Uncategorized

Mabhunu akaponda vanhu 25. . . vemhuri imwe chete

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUNYANGWE zvazvo kwava nemakore anodarika makumi matatu hondo yerusununguko rweZimbabwe yakapera, yakasiya ndangariro dzisingadzimike nyore mupfungwa dzeveruzhinji nekuda kwekuti vakawanda vakarasikirwa nehama neshamwari uye vamwe nhasi uno vari kurarama nehurema nekuda kwayo.

Imwe mhuri yakasara iine chironda chikuru pamoyo nekuda kwehondoiyi ndeye kwaMuchenje, mubhuku raMashonganyika kwaShe Chinhamora kuDomboshava. Mhuri iyi inoti yakarasikirwa nehama dzinosvika 25 panguva imwe chete apo musha wavo wakabhombwa nemasoja mugore ra1976.

Mumwe wevakasara pakabhombwa musha waVaDavis Muchenje, ndiVaEdward Muchenje (50), avo vanoti vakapona neburi retsono sezvo pakaitika tsekwende iyi vakange vasipo vaenda kumunda nababa vavo, VaDavis Muchenje, nehanzvadzi yavo – Tambudzayi Muchenje.

“Zvinorwadza zvikuru nekuti hama dzangu dzinodarika 25 dzakabhombwa nemasoja pamba pevabereki vangu apo vehukama vazhinji vakanga vanoungana vachitiza hondo. Masoja akauya nendege mbiri ndokusvikotanga kubhomba imba yekubikira iyo yaiva izere vanhu.

“Zvisinei, nhasi tiri kufara nerusununguko asi tiine kuchema kusingapere,” vakadaro.

Pavanhu vakauraiwa ava, vanoti paiva nevana vadiki nevakuru, kusanganisira vaenzi vaviri vainge vabva kuChivhu.

“Hama dzangu dzakauraiwa apa dzinosanganisira amai vangu, VaRudhiya Muchenje, vakoma vangu Gafi, Chigiji, Muchapondwa nevamwewo vakawanda vehukama vaikaita saBeauty Chidamba,” vakadaro.

Vanoti ndege idzi dzakauya masikati machena apo panonzi pakanga paita vatengesi vakanyepa kuti pachikomo chiri pedyo nemusha uyu paiva nebhesi revarwi vehondo.

Bhesi inzvimbo dzaigara varwi vehondo yerusununguko.

“Isu taiva kuminda takaona ndege idzi dzichikanda mabhomba masoja achidzikiswa pasi achiridzawo pfuti.  Vanhu vose vakanga vatizira mumba yaamai vangu yekubikira neimwewo imba yekurara yevabereki vangu vakabhombwa vakafa.

“Pamba pedu paiva nedzimba ina asi mbiri ndidzo dzakaparadzwa uye vaviri pavanhu vose vaivapo ndivo vakararama. Ava ndevanoti Mbuya Mandisema Matangira avo vakangopotswawo nehanzvadzi yangu Joyce Mashonganyika uyo akanozvivharira pasi pedhishi hombe ndokuramba aripo kusvika kubhombwa kwapera,” vakadaro.

Joyce mupenyu uye ari kugara mumusha weGlen View, muHarare. Mbuya Matangira vanonzi vakazoshaya vasisadye nyama nekuda kwekubvaruka kwemitumbi yevanhu yavakaona pahondo iyi.

Muroora wepamusha apa, Mai Wadzanayi Dosvora Mashonganyika (40), vanoti vakazongonzwawo nhoroondo yekuuraiwa kwakaitwa mhuri iyi nemabhunu.

“Inyaya yandinonzwa kubva ndichiroorwa muno, kuti masoja aIan Smith mugore ra1976 vakauraya vanhu,” akadaro.

Mitumbi yevanhu ava inonzi yakavigwa vamwe vari vaviri-vaviri kana kuti vatatu-vatatu muguva rimwe chete vakaiswa mumasaga. Mitumbi iyi yakavigwa panzvimbo inocherechedzwa zvikuru mumusha uyu nemudunhu iri, panonzi paMashonganyika Heroes Acre.

Marinda evanhu ava akakomberedzwa newaya apo panonzi panosakurwa kamwe chete pagore pazororo reMagamba mumwedzi waNyamavhuvhu.

VaWellington Ngoroma (40) vemumusha waKadyausavi, kwakare kuDomboshava, vanoti mabhunu aive nehutsinye hwakadarikidza.

“Tichipemberera kuzvitonga kuzere kudai, zvinofanirwa kuzivikanwa kuti vachena vaiva vakatidzvinyirira zvikuru. Toshanda zvakasimba kuti chirongwa chedu chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, chibudirire,” vakadaro VaNgoroma.

Tiritose Kadungure (34) anotiwo sevechidiki, zvave kuda kuti vanhu vashande mukusimudzira upfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>