MaChevrons orwira kuenda kuWorld Cup

23 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
MaChevrons orwira  kuenda kuWorld Cup Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kuNamibia uko chiri kukwikwidza mumutambo weICC Men’s T20 World Cup Qualifier Africa 2023.

Mutambo uyu ndewekurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup 2024 ichazotambirwa kuWest Indies neUnited States of America .

Kumutambo uyu kune zvikwata zvinomwe zvinoti maChevrons, Namibia, Kenya, Nigeria, Rwanda, Tanzania neUganda.

Uyu uchange uri mutambo wekutanga waSikandar Raza achitungamirira maChevrons kubva zvaakagadzwa kuve kaputeni wechikwata ichi masvondo adarika uye zvikuru zviri kutarisirwa kubva kwaari pamwe chete nechikwata chese.

Chinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket chinoti murairidzi wemaChevrons – Dave Houghton – akatakura vatambi 15 kumutambo uyu.

Houghton achange achitarisira kuvatambi vanosanganisira Craig Ervine, Sean Williams, Tendai Chatara, Richard Ngara, Ryan Burl naWellington Masakadza kuti vagobata basa kuNamibia apo maChevrons ari kurwira kudzokera kuT20 World Cup.

Vatambi vazhinji vari muchikwata ichi vaive kuICC Men’s World Cup 2022 kuAustralia kunze kwevana (4) vanoti Innocent Kaia, Nicholas Welch, Tadiwanashe Marumani naCarl Mumba avo vakashevedzwa kuti vapinde muchikwata chaHoughton icho chiri kukwikwidza kuNamibia.

Kumutambo weICC Men’s T20 World Cup Africa Qualifier, zvikwata zvese zviri zvinomwe zvichatamba mumitambo yeround robin uye zviviri zvichapedza zviri pamusoro zviine zvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe ndizvo zvichabudirira kuenda kuWorld Cup.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>