Madiridziro eMoneyMaker opinda muGuruve

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Madiridziro eMoneyMaker opinda muGuruve

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd iyo inogadzira pamwe nekutengesa michina yemadiridziro yemhando yakasiyana yotenderera nenyika ichipa ruzivo kuvarimi pamusoro pekukosha kwekushandisa madiridziro nedonzvo rekusimudzira goho.

Svondo rapera, kambani iyi yakashanyirwa dunhu raMambo Chipuriro, VaClever Chipuriro, kuGuruve kuMashonaland Central ndokuita hurukuro nevarimi. Vachitaura pagungano iri, VaSydney Mukumbi vanove partnership and sales officer kukambani iyi vanoti madiridziro eMoneyMaker Pumps akakosha zvikuru nekuti haadhure uye ari nyore mukushandisa kana zvichienzaniswa nekudirdza nemigoro.

“Tiri kufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset icho chine donzvo rekusimudzira mibato yemaoko yakadai sekurima, kuvaka, mabhindauko ekubika nezvimwe zvinopa veruzhinji chouviri pamwe nekusimudzira upfumi hwenyika. Michina iyi inhaka yemusiiranwa nekuti yakasimba uye inoita kuti murimi ange achidiridzira pakuru mukati menguva diki zvichibatsira zvakare kuti akohwe pakuru. Tinokurudzira murimi wese kuti ave nemuchina wake kuitira kuti panozoenda mvura yemudenga ange akagadzirira kurima kwegore rose pane kumirira mwaka wekunaya kwemvura,” vanodaro.

VaMukumbi vakawana nguva yekuratidzira varimi mashandisirwo emuchina uyu apo vaidhonza mvura yemurwizi rweko vachidiridzira zvirimwa zvaive chinhambwe chemamita anodarika makumi mana. Vagari venzvimbo iyi – kusanganisira vadzidzi vepaChipangura Secondary School, madhumeni nevarimi – vakawanawo mukana wekudzidzira kushandisa muchina iyi.

“Ini ndinofara zvikuru nekuti ndakwanisa kudhaya mvura ndichishandisa muchina wemhando yechitsoka-tsoka ndikaona kuti haurwadzi. Ndinoda kwazvo muchina uyu pabhizimusi rangu rekukanya zvidhinha nekuti zvinoda mvura yakawanda uye pakugeza matanga enguruve,” anodaro Graduate Muroyiwa anove mugari wenzvimbo iyi.

Zvakadai, mumiriri weGuruve South mudare reNational Assembly – Cde Patrick Dutiro – vakatengera Mai Monica Hamadziripi pamwe nemurume wavo, VaRonny Mupfurutsa, muchina wemadiridziro wemhando yeHandpump senzira yekuvacherechedza mukusarudzwa kwavakaitwa sevarimi vakuru vemuWard 5 kuGuruve.

“Munhu anoda kubatsira kana kuti ane nzara haamupi hove nekuti anodya yopera zuva iroro asi kuti unomufundisa kuraura hove kuti adzidye misi yose. Ndatengera mhuri iyi muchina wemadiridziro kuti vavandudze kurima kwavo vagoramba vachikohwa pakuru zvekutonotengesa kudura guru reGrain Marketing Board (GMB),” vanodaro Cde Dutiro.

Madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps anokosha zvikuru nekuti haashandisi magetsi, peturu kana dhiziri zvinoita kuti varimi vasadhurirwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey