Uncategorized

‘Madungwe tikwanire, wava kupenga’

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VAVERENGI vakawanda veKwayedza vari kutumira mashoko vachishora zvikuru muporofita weimwe chechi iri muHarare uyo anoti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita hurukuro naMwari mbune, mushure ndokuzogadzwa kuva muporofita wepasi rose (prophet of all nations).

Prophet Talent Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iri kuSunningdle, muHarare, anoti akaenda kudenga akanosangana naMwari kekutanga musi wa1 Ndira ndokudzokerazve musi wa4 Chikumi gore rino.

Hezvinoi zvimwe zvakabva kuverengi:

Uyu murume ari kuzviti akaenda kudenga akataura naMwari pfungwa dzake ngadziongororwe. – Mai Prominent Nyamudahondo, UMP.

* * *

Murume wekuzviti ndiProphet of All Nations uyo anoti akaenda kudenga kaviri, hakuna zvakadaro. Mwari haashande pamunhu ane zvivi, kuzviita mutsvene here? Haana kana kumbotadza muupenyu hwake hwose here? Ngaasatambe naMwari achidaro. Iyi inogona kunge iri nzira yake yekutsvaga mari, nhamo yamutamba tsvina. Vanhu vachenjerere maporofita enhema. Vave kuda kurasisa nzira dzakanaka dzekufamba nadzo. — 0714 126 693.

* * *

Ndinofunga kuti murume uyu anonyepa nokuti shoko raMwari rinoti hakuna anoona Mwari anorarama. Kana chiri chokwadi akashandiswa naSatani, haasi Mwari nekuti Satani anozvishandura kuzviita mutumwa wechiedza. — 0785 331 574.

* * *

Muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri kunyepa. Ari kuda kubira vanhu akahwanda neshoko raMwari. Hakuna zvakadaro.—Mudhara Gonyeti, Headlands.

* * *

Ndiko kunyepa kuri pachena. Nyangwe Moses haana kubvira aona chiso chaMwari asi iye oti akaona Mwari mbune? Varume ngatisatambe naMwari. — Kozanai Prosper.

* * *

Ava vekuti vakaenda kudenga kana hama dzavo dziripo ngavakurumidze kurapiswa. — 0776 098 031.

* * *

Prophet Madungwe anoti akaenda kudenga andityisa.

Dai akataura kuti akarota hope.

Mbiri, kutyiwa nekuda kunamatwa ndizvo zvaari kuda.

Anoda kutamba nani? — 0778 357 072.

* * *

Uyo ave kutopenga, ko mubhaibheri macho makambonzi Paul naDaniel vakamboenda kudenga here kana kuti vakafa vakavigwa pasi pano? — Marisa Gerald, Rusape.

* * *

Uyu Madungwe maonero angu ndeekuti ari kuda kuti vanhu vaende kuchechi kwake.

Hakuna zvakadaro, zvekuti murume uyu akaenda kudenga ari mupenyu. — 0779 394 454.

* * *

Anopenga murume uyu, anoda kuongororwa pfungwa dzake. — 0782 118 837.

* * *

Talent Madungwe anotaridza kuti akanyatsoronga tsoro yake yekuti sangano rake rikure nemanyepo. — M. Mandaza, Domboshava.

* * *

Hakuna zvakadaro, bhaibheri rinoti vakafa vavete. Ko anaMoses vaanoti akaona, akavaona kupi? Kudai ari Erisha nekuti ndiye watingangoti pamwe nekuti bhaibheri haritaure kuti akavigwa kupi asi kuti akaenda nengoro yemoto. Bhaibheri rinoti usawedzere kana kutapudza mashoko ebhuku iri. Ngaaongororwe pfungwa.— Mascot Mashayamombe, Manhenga, Bindura.

* * *

Vakange vasiri kurota here baba ava? — 0734 850 249.

* * *

Ndinoziva zvichinzi Jesu agere kurudyi rwaMwari kwete kuruboshwe. Ngaaongororwe pfungwa Madungwe, ave kupenga. —Samantha Njiva, Shurugwi.

* * *

Prophet Madungwe vakurumidzirei dzisati dzanyanya kudambuka. — A Machacha, Shurugwi.

* * *

Ngaasabata vanhu kumeso. Ngaaongororwe pfungwa. — 0777 100 923.

* * *

Madungwe ngaati chete ari kuda hukuru. Ndizvo zvaanoswerera kusowe ozvirota hake wofunga kuti zvaitika. Kurota uko, muchaona vechidiki vomhanyirako kune ari kurota hake. — Mai Mkahanana, Mt Jenya, Mutasa.

* * *

Ngaatariswe pfungwa dzake kuti dzakakwana here. — 0771 054 792.

* * *

Eriya akaenda ari mupenyu asi haana kudzoka.

Zvino baba ava vanoda kutotinzwa zvedu asi mukutinzwa uku ndiko, uri kuedza Mwari. — Mai Princess, Ziko, Seke.

* * *

Ndinofunga kuti zvechokwadi murume uyu akaenda kudenga akasangana naMwari. — Pec, Mutare, 0773 247 263.

* * *

Zvave kutoda vakuru vanofamba naJesu panyaya yaMadungwe. — 0733 581 597.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>