Mafashamu aparadza kuBeitbridge

28 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Mafashamu aparadza kuBeitbridge Vamwe vagari vekuDulivhadzimu, kuBeitbridge vachiona kuparadzwa kwakaitwa midziyo yavo nezvimwe zvinhu nemafashamu emvura.

Kwayedza

Thupeyo Muleya

RUZHINJI rwevagari vemuDulivhadzimu, kuBeitbridge rwakarasikirwa nemidziyo zvichitevera kuitika nemafashamu emvura munzvimbo iyi nemusi weChitatu neChina.

Vakanyanya kusangana nedambudziko iri ndevanotengesa mumisika padyo nechiteshi chemabhazi kunzvimbo yakadzikira uko kunopfuura nekarwizi kanonzi WaMlala.

Mvura zhinji yakatanga kunaya mudunhu iri manheru eChitatu.
VaCharles Ndou vanoti vari kushushikana nenjodzi iyi uye vari mubishi rekugadzirisa midziyo yemagetsi iyo yakakanganiswa nemafashamu aya.

“Tinofanira kugadzirira mwaka wega-wega wekunaya kwemvura uye chikumbiro chedu ndechekuti vakuru venzvimbo ino vagadzirise zvinhu zvese zvinosanganisira migero inofamba nemvura,” vanodaro.

“Ndakarasikirwa nemidziyo yakawanda yandaitengesa uye zvichandiomera.”
Muzvare Deidre Matshudula, avo vanoshanda panzvimbo inorukirwa vanhu misoro, vanoti midziyo yavo yakayeredzwa nemvura.

Vanoti kanzuru yavo inofanirwa kugadzirisa migero munzvimbo iyi mwaka wekunaya kwemvura usati watanga.

“Izvi zvinosuwisa zvikuru kana tichitarisa kuti svondo rino ndakanga ndichangobva kurongedza zvinhu zvangu zvitsva musaruni yangu. Magetsi atinoshandisa pano akakanganiswa nemvura yakanaya yakawandisa,” vanodaro Muzvare Matshudula.

VaPanashe Takundwa, avo vane chitoro chinogadzira makombiyuta chiri padyo nechiteshi ichi, vanoti varasikirwa nemari zhinji kuburikidza nemafashamu aya.

“Midziyo yangu yose yakany’ura mumvura pandakaenda kubasa mangwanani anezuro,” vanodaro.

VaTakundwa vanoti zvakakosha kuti vakuru vekanzuru yavo vagadzirise nyaya yemigero inofambisa mvura mudhorobha ravo.

Mumwe mugari weko, Mai Nesta Nedziwa, vanoti nyaya yemafashamu emvura muzvitoro nemudzimba dzakawanda muDulivhadzimu yave nenguva yakareba ichinetsa nekudaro inofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Mai Sophia Ndou, avo vanogara mumahositera ari pasi pekanzuru iyi ane makamuri makumi mashanu nemana, vanoti vazhinji vavo vasara vasina zvekudya, mbatya nemagumbeze nekuda kwemafashamu aya.

Sachigaro weBeitbridge District Civil Protection Unit (CPU), Mai Sikhangezile Mafu, vanoti vakaumba chikwata chenyanzvi chinotungamirirwa nekanzuru yavo kuti chione zvinodiwa nekukasika kune vakawirwa nedambudziko iri.

Chikwata ichi chinotarisirwawo kutora matanho anoendeka mukugadzirisa matambudziko ari kusangana nedunhu iri.

“Tinotarisira kuti chikwata ichi chiongorore nekuchimbidza kuparadzwa kwakaitwa zvinhu kuitira kuti vanhu vabatsirwe nenguva,” vanodaro.

“Panguva imwe chete iyi, hatingarambe tichitaura nezvedambudziko rimwe chete munzvimbo imwe chete mwaka wekunaya kwemvura. Saka nyanzvi dzichaona kuti dambudziko iri ragadziriswa zvachose.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey