MaGems ogadzirira World Cup

16 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
MaGems ogadzirira World Cup MaGems

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chenetball chemaGems chakapinda mukembi svondo rino nemusi weMuvhuro apo chakatanga gadziriro dzekuenda kumutambo weWorld Cup uyo uchatambirwa kuSouth Africa kutanga mwedzi unotevera.

MaGems, ayo anorairidzwa maRopafadzo Mutsauki, akapinda mukembi nevatambi 21 avo vari kurwira zvinzvimbo 15 zvevachazotakurwa kuenda kuCape Town uko kuchatambirwa mutambo uyu.

Asi pari zvino pavatambi vari mukembi, hapana vanotambira kunze sezvo vari kutarisirwa kuzopinda mukembi kutanga nemusi wa1 Chikunguru.

Mutsauki anoti gadziriro dzechikwata chake dzave padanho repamusoro-soro.

“Gadziriro dzekuti tichienda kuWorld Cup dzatanga manje, dzave kupinda mugiya dzvuku nekuti tave kugadzirira kuenda kunorwira mukombe weWorld Cup.

“Takatanga kembi yedu tine vatambi 21 uye vatambi vese ava vari kurwira kupinda muchikwata chevatambi 15 avo tinoda kuzotakura kuenda navo kuSouth Africa kumutambo uyu.

“KuSouth Africa, tichatakura vatambi 15 uye vatanhatu vachasara vari pa’standby’ kuitira pakazokuvara vamwe vatinenge tatakura kuenda navo kumutambo uyu,” anodaro.

Ropafadzo Mutsauki

Mutsauki anoti maGems kuenda kumutambo uyu haasi kuzonozadzikisa kuti zvikwata zviwande asi vanoda kunorwira mukombe weWorld Cup.

“Isu tiri kuda chaizvo mukombe uyu nekuti kuti tisvike kumutambo uyu takasvika kuburikidza nekushanda nesimba.

“Hakuna nyika inoenda kuWorld Cup ichinotarisira kukundwa, zvakafanana nesu nekuti isu tiri kuenda kuSouth Africa kunorwira mukombe weWorld Cup uyo tiri kunotambira,” anodaro.

Mutsauki anoti anoshuvira kuti chikwata chake chitambe mitambo mizhinji yehushamwari nedzimwe nyika senzira yekusimbaradza gadziriro dzavo.

Anoti vakapira kuhutungamiri hwenetball munyika kuti varonge mutambo yakawanda yehushamwari saka vachange vakamirira kuona kuti zvichafambiswa sei.

“Murwendo rwedu rwekugadzirira kuenda kumutambo uyu, tinoda kutamba mitambo mizhinji yehushamwari saka takamirira kunzwa kubva kuhutungamiri hwenetball munyika kuti pane zvavakatirongera here kuitira kuti tigadzirire pane nguva nekuti takatarisana nemutambo mukuru,” anodaro.

Kumutambo weWorld Cup uyu, maGems akaiswa muboka reGroup A rine zvimwe zvikwata zvinoti Australia, Fiji neTonga.

MaGems anofanirwa kuhwina mitambo yawo yese yemuboka iri kana achida kufambira mberi kusvika kufainari yemakwishu aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>