Uncategorized

Magonyeti ngaadziviswe kutakura vanhu: Mambo

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Magonyeti ngaadziviswe kutakura vanhu: Mambo Mambo Chundu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Chundu vekuHurungwe, kudunhu reMashonaland West, vari kunyunyuta pamusoro pevatyairi vemarori emagonyeti anoshandisa mugwagwa mukuru unobatanidza Harare neChirundu ayo avanoti ari kutakura vanhu husiku izvo zvine njodzi huru yekuparadzira chirwere cheCovid-19.

VaAbel Mbasera, vanova Mambo Chundu, vanotenda mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) avo vari kuedza nepavanogona kusunga vatyairi ava vachivabhadharisa faindi, kusanganisira nevacho vanenge vakatakurwa.

“Mugwagwa mukuru unobva Harare uchienda kuChirundu unodarika nemudunhu redu reHurungwe apo vatyairi vemarori makuru vari kuita basa rekutakura vanhu nehusiku vachibuda kana kupinda muZimbabwe. Vamwe vacho vanotobviwa navo kure sekuBeitbridge, South Africa kana kuHarare kuchiti vamwewo vanenge vabva kuZambia kana kuDRC.

“Vanhu ava vanenge vakapakirwa kumashure kwemusoro wemagonyeti  uye vakaita chitsokotsoko. Zvino isu sevakuru venzvimbo iri kudarika nemagonyeti aya, tave kutyira kuti nekuda kwekatsika aka, pane njodzi yekupararira kweCovid-19,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti ivo samambo, vanombofamba nguva dzehusiku vachida kuona zviri kuitika apo vanosangana nevatyairi vemagonyeti vanenge vakatsindira vanhu mumarori avo.

“Sesvondo rakapera, ndakawana mukana wekufamba husiku ndiine mapurisa angu ndikawana mukana zvakare wekutaura nevatyairi vemagonyeti ava. Vatyairi vashanu vandakataura navo ndichivaonesa kuti zvavari kuita izvi zvine njodzi kunyika vose vakaedza kundipa mari yechiokomuhomwe ndikairamba uye vakadarika nevanhu vavo ndikazivisa mapurisa,” vanodaro. Mambo ava vanoti vari kuita misangano nemasabhuku eko kuti vabatsirane nemapurisa pakurwisa hunhubu huri kuitwa nevatyairi ava.

“Kana vanhu vedu vemuno vava kukwirawo magonyeti aya vachinoyambutswa nechitsotsi kumiganho yenyika. Saka ndiri kuita misangano nemasabhuku angu kuti vadzidzise vanhu mumisha kuti chirwere ichi chakauya uye chinouraya pasina kusarudza,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanotenda mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa nechirongwa chavari kuita chekushanyira matunhu akasiyana enyika vachipa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro peCovid-19

“Amai vakauya kuno kuNyamakate nguva yadarika vakashambadza mashoko ekuzvichengetedza kubva kuchirwere ichi.

“Tinotendawo kuti vose vari kubatwa vari mumagonyeti aya vari kubva vaendeswa pa’quarantine centre’ yekuVuti uko vanonoongororwa kuti havana denda iri here,” vanodaro Mambo Chundu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vose vari kutyora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kweCovid-19 kuti vanosungwa, vosangana nezvirango zvavo kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey