Uncategorized

Makombi adzoka asi . . .

30 May, 2022 - 16:05 0 Views
Makombi adzoka asi . . . HURUMENDE yabvumidza kudzoka kwemakombi akazvimirira anotakura veruzhinji asi zvichiitwa pasi pemitemo iri kugadzirwa nechinangwa chekuti basa rekutakurwa kwevanhu rifambiswe zvakanaka.

Kwayedza

Leroy Dzenga

HURUMENDE yabvumidza kudzoka kwemakombi akazvimirira anotakura veruzhinji asi zvichiitwa pasi pemitemo iri kugadzirwa nechinangwa chekuti basa rekutakurwa kwevanhu rifambe zvakanaka.

Pamusoro pezvo, vemakombi vachange vachishanda chete vari pasi pemasangano anovamirira akanyoreswa zviri pamutemo.

Dare remakurukota eCabinet rakatobvumirana pamusoro pekuvandudzwa kwemutemo weUrban Areas (Omnibus Services) Regulations, uyo uchaburitswa mumapepanhau munguva pfupi iri kutevera.

Makombi ose anozodiwa zvakare kuti atore dhisiki remutero wenzvimbo yekuzomira pachiteshi kubva kukanzuru pamwe neinishuwarenzi yevafambi asati abvumidzwa kutakura vanhu.

Munyori mukuru mubazi rezvekutongwa kwematunhu, VaZvinechimwe Churu vanoti makombi anga asingadyidzane neZupco anogona kutanga kushanda mushure mekunge mutemo mutsva wemashandiro awo waziviswa zvakazara.

“Zvisungo zveUrban Areas (Omnibus Services) Regulations 2022 zvakabvumiranwa nedare neCabinet uye zvichitevera kugadzirwa kwegwaro reStatutory Instrument, pane kukwenenzverwa kuri kuitwa mutemo uyu usati washambadzwa,” vanodaro VaChuru.

Munyori mukuru wesangano reGreater Harare Association of Commuter Omnibus Operators, VaNgoni Katsvairo vanoti vanotambira nemawoko maviri kuuya kwemutemo unotendera kuti vemakombi vachitange kutakura veruzhinji zvakare.

“Mari dzezvekufambisa dzichatarwa nevemasangano mushure mekupihwa mvumo neHurumende asi zvichibva pamari chaiyo pakiromita imwe neimwe,” vanodaro.

“Tinotarisira kuti masangano apihwe magwaro ekushanda mupurovhinzi yega-yega. Nekudaro kumatunhu gumi, tiri kutarisira masangano ari pakati pemakumi mana nemakumi mashanu. Semuenzaniso, Bulawayo ine masangano matatu, Harare inogona kuita mashanu kana matanhatu kusanganisira Zupco.”

Nyanzvi munyaya dzezvekutakurwa kwezvinhu, VaAtkinson Munemo, vanoti zvakakosha kuti chikamu chezvekufambisa chive chakarongeka sezvo chichibatsira zvakanyanya mukusimukira kweupfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>