Uncategorized

Makore 112, vazukuru 240

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Makore 112,  vazukuru 240 Mbuya Julia Ngwende

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHEMBERE yava nemakore 112 ekuberekwa — iyo ine vazukuru 40 nezvizukurubvi 200 — inoti yararama kwemakore akawanda nekuda kwenyasha dzaMwari, kuzvibata nekudya chikafu chechinyakare. Chembere iyi inoudza vamwe vanhu – kunyanya vechidiki – kuti munhu akachembera hazvireve kuti muroyi, asi kuti Mwari bedzi ndiye anopa upenyu.

Mbuya Julia Ngwende vainge vakaroorwa naSekuru Dickson Ngwende avo vakashaika uye vakabereka vana vanomwe – vakomana vana nevasikana vatatu. Pavana ava, mumwe chete bedzi — Spiwe Mugodhi (76) — ndiye achiri kurarama uyo ari kuchengeta amai vake kuUnit B, kuChitungwiza.

Mbuya Ngwende – avo vanoratidza kuti vachiine chipo chemazivo avo ose uye vanotaura zvinonyatsonzwika — vanoti vava nevazukuru 40 nezvizukurubvi 200. Kana Mwari vatendera, vachiri kutarisira vamwe vakawanda.

Vanoti kurarama kwenguva yakareba kudai hakusi kungwara kwavo, asi kuti inyasha dzaMwari, kuzvibata nekudya chikafu chechinyakare.

“Ndakaberekwa kwaMurahwa, kwaMakoni, kwaRusape, ndikazosangana naDickson Ngwende uyo akazova murume wangu. Ndiye bedzi akava mukomana wangu oga.

“Aishanda kuSouth Africa apo aidzoka, takaonana tichibva kuchechi kuUnited Methodist iyo ndinopinda nanhasi ndokuzoenda kwatete tikanopanana nduma. Kwete zvemazuva ano zvekuti musikana anoita vakomana fararira nevarume vacho zvimwe chete, kuita danga revakadzi? Mungararame sei nezvirwere zviriko izvi? Munofa muchitisiya isu vana Julie,” vanodaro vachinyemwerera zvekuratidza mazino avo akachena kuti ngwerewere.

Mbuya ava vachiri kuyeuka kuti vainge vakaroorwa mubhuku raSvikiro uko vakaita muchato wemandiriri muchechi yavanopinda yeUnited Methodist.

“Mwari vakandibatsira nevana vangu vanoti nevanji Denford, iye Spiwe anondichengeta uyu kunyange zvake akafirwa nemurume. Murume wake akandiroorera nembasera, haana chikwereti. Kunozoti Jonathan, Naboth, mapatya Lydia naGideon kuchizoti gotwe Easther.

“Takazoita vana vedu ava taroorana muhondo yaHitira, paye paiva nehwiza dzakawanda,” vanodaro.
Mbuya Ngwende vanoti muviri wavo uchakasimba nekuti vakagara vachidya mhandire (maputi ekuisa murufuse), miriwo yemifushwa nenyama yemhuka dzesango, derere remusango, tsombori (midzi yemiti yemusango) nemichero.

“Zvose zvamunoti majarini kana mafuta ekubikisa kwakanga kusina. Dzimwe nguva sauti taiisa hundi kana kunotora ivhu repagokoro. Iko kuJubheki takakuenda naDick achiri kushandako.

“Ndakatorwa nemurungu kumusha kwedu sezvo baba vangu vaiva mudhibhisi ndikaenda kuchikoro kuOld Mutare uko ndakaita Standard 4,” vanodaro. Vanoti ivo mwana waSabhuku Jonah Chemusango Murahwa uye amai vavo vainzi Sarah Dehwe.

Vanoyeukawo kuti vamwene vavo vainzi Nyenza Mutongomanya, avo vavanoti vaivada zvikuru.
Zvisinei nekukwegura kwavaita, Mbuya Ngwende vanofarira kunamata uye vatori venhau veKwayedza vakawana mukana wekuimbirwa kambo kechechi yeUnited Methodist kanonzi Hakuna Zita Rakaita seraJesu.

“Yambiro yangu ndinoti murume mumwe chete kumukadzi mumwe chete, kwete gumbo mumba gumbo kunze. Dai Dickson akangoda kunditorera mumwe mukadzi ndaienda kumba kwedu. Asi aisambozviita futi, ahi aizviziva.”

Mbuya Ngwende vanoti vanofarira kudya sadza rezviyo, remhunga kana remapfunde nemukaka kana mazondo nemaguru. Vanokurudzira vanhu kuita shamwari dzinovaka nguva dzose.

Chembere iyi inotenda vazukuru vayo nekuvachengeta pasina kuvananga huroyi sezvo vamwe vanhu vachiti munhu wose akwegura muroyi.

“Ndinotenda mwana wangu Spiwe nevazukuru vose nekundichengeta. Uyu Tamari Hwerekwere ndiye anondigezesa nekundidyisa nezvose — ane rudo.

“Asi haana murume, mupeka rudo iwe (kureva munyori uno). Toraka iyewe uri kutaura neni, unoda kundiendesa kupiko?” vanodaro.

Mumwe muzukuru waMbuya Ngwende, Mai Vimbai Tapi (43) vanova mwana wehanzvadzi yavo, vanotenda vose vari kuchengeta chembere iyi.

“Tete vangu havana dambudziko, vanoitirwa zvose nekukura kwavaita uku. Ndinotoshamiswa nevamwe vanoti munhu akangokura anonzi muroyi,” vanodaro. Mukuwasha wambuya ava, John Mugodhi wepamba pavanogara akashaika mugore ra1986.

Tamari anoti haana chaanosema pakuchengeta ambuya vake. Kuchiti sahwira waMbuya Ngwende – Mbuya Tracey Chikuni (70) – vanorumbidzawo machengeterwo ari kuitwa mumwe wavo. “Varoora chengetai vanavamwene venyu sezvamuri kuita izvi. Havasi varoyi ava, Mwari vanokuwedzerai mazuva nekuwana,” vanodaro Mbuya Chikuni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>