Makore 3 baba vachibhinya mwana

23 Aug, 2022 - 13:08 0 Views
Makore 3 baba vachibhinya mwana Insp Chakanza

Kwayedza

Aaron Nyamayaro

MURUME ane makore 37 ekuberekwa anogara kuEpworth ari kunzi aita makore matatu achibata chibharo mwanasikana wake uye achimutumira mashoko erudo akadzamisisa panhare yake.

Hunhu hwakaipa hwababa ava hwekunzi vari kubhinya mwana wavo ane makore 15 ekuberekwa hwakabuda pachena nemusi weMugovera wadarika apo mudzimai wacho akaona mashoko erudo aitumirwa mwanasikana uyu.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza vanotsinhira nyaya iyi.

“Zvinonzi imwe nguva muna2019 nenguva dza2 masikati, mumhan’ari (mwanasikana) akabva kuchikoro ndokubva apinda mumba.

“Baba vake vanonzi vakabva vamutevera ndokutanga kumubata-bata vachiti vaida kuti muviri wake uumbike zvakanaka.

“Vanonzi vakabva vamubata chibharo kamwe chete pasina kushandisa dziviriro uye ndokuyambira mwana uyu kuti asawana waanotaurira pamusoro pechiitiko ichi.

“Kwapera masvondo mashoma, murume uyu anonzi akabata mwana uyu chibharo zvakare pasina dziviriro,” vanodaro Insp Chakanza.

Nemusi wa13 Nyamavhuvhu gore rino, murume uyu anonzi akatumira mashoko erudo panhare yemwanasikana wake.

Anonzi akazomufonera ndokuti aida kutaura naamai vake.

“Mwana uyu akapa amai vake nhare iyi vakabva vaona mashoko erudo aaitumirwa nababa ava.

“Vakabvunza mwanasikana wavo apo akabva ataura kuti baba vake vari kumubata chibharo kubva mugore ra2019,” vanodaro Insp Chakanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey