Uncategorized

Makuva avharwa nesora

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VAGARI vekuUnit L, kuSeke South, kuChitungwiza, vari kugunun’una zvikuru nekuda kwemamiriro emakuva anodarika 105 000 ari munzvimbo iyi ayo asiri kuchengetedzwa zvakanaka sezvo ari mukati memhundwa yemasora zviri kuita kuti vamwe vatandaniswe nenyoka pavanenge vachida kugadzurudza marinda ehama dzavo.

Kwayedza payakashanyira kumakuva aya ikasangana naVaTom Baris (54) avo vakange vanovakirira makuva ehama dzavo asi vakatambura kuti vawane mamwe emarinda aya.

“Kutaura kudai tave nesvondo rizere tichinetseka kuwana guva remuzukuru wangu Wellington Mashapaidze (21) uyo akashaya muna 2003 nekuda kwemasora ayo akura zvekudarika hurefu hwevanhu. Tatozowana guva iri nhasi saka tave kutanga kurivakiririra.

“Tambotandaniswa nezinyoka apo tange tichipinda nemumasora tichitsvaga guva uye zvinorwadza nekuti patinotenga nzvimbo dzekuisa makuva tinotaurirwa kuti achange achichengetedzwa. Kudai makuva ekuno kuChitungwiza akaita seekuHarare, hataiona dambudziko nekuti ari pachena uye anogara achisakurirwa.”

Vanoti kunze kwesora, magwaro akanyorwa nekanzuru yeChitungwiza maringe nemufi anopesana nezvakanyorwa nemachiremba kusanganisira makore ake, kwaaigara uye firo yake.

“Patakaenda kuhofisi yevanoona nezvemakuva tichida kuisa dombo nekuvakirira, takashamisika tave kuudzwa kuti mumarikodhi mavo muna Wellington Mashapaidze akafa nechikosoro, aigara kuUnit L. Ini muzukuru wangu akafa nekuzvisungirira uye magwaro emachiremba tinawo anoratidza kuti akafa aine makore 21 achigara kuZengeza.

“Saka kutadza kunyorwa kwakanaka kwemagwaro evafi kunogona kuita kuti vanhu vakundikane kuwana makuva ehama dzavo. Magwaro evafi aya akanyorwa pamapepa uye haasi mumakombiyuta zvekuti anogona kudzima,” vanodaro.

Mumwe mushandi kuchikamu chinoona nezvemakuva, VaLloyd Moyana (31), avo vanova cemetry attendant vanoti vanoshandisa “map” inoratidza pane guva rimwe nerimwe asi izvi hazvisi nyore nekuda kwemasora aripo.

“Patange tichitsvaga makuva ehama dzaVaBaris tamhanyiswa nenyoka yemhungu iyo yanga yakareba zvekusvika mamita maviri nechidimbu saka zvinoreva kuti tiri panyatwa chaiyo,” vanodaro.

VaTendai Karikoga (38) vanoshanda muindasitiri iri pedyo nemakuva aya vanoti ave nemakore asingasakurwe izvo zvave kuita kuti vanhu vagare vachitandaniswa nenyoka.

Town Clerk weChitungwiza, VaGeorge Makunde, vanotsinhira nezvekuwandisa kwemasora munzvimbo dzinovigwa vanhu vachiti dzinofanira kugadziriswa.

“Masora anokura kana kuchinaya saka tichaacheka kana mvura yave kupera kunaya kuitira kuti zvisatidhurire nekuti tikacheka izvozvi anomera. Tikashandisa tarakita imwe chete tinoona zvichifamba,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey