Uncategorized

Mambo haakwaziswe…kana kuona chitunha -‘Anozoroyiwa kana kukuvadzwa’

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Mambo haakwaziswe…kana kuona chitunha -‘Anozoroyiwa kana kukuvadzwa’ Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAZHINJI, pose panosangana vanhu vange vaine chinguva vasiri pamwe chete, vanokwazisana kana kupanana “chishanu” sekutaura kwevamwe. Kana parufu, vanhu vanobatana mawoko setsika dzemuZimbabwe.  Vakuru vematunhu – madzimambo, madzishe, vana sadunhu, masabhuku nemasvikiro – ndivo vanganzi vene kana kuti vachengetedzi vetsika idzi. Ndivo vanoona kuti dzatevedzwa, uye zvinofanirwa kuitwa kana dzatyorwa.

Asi tsika ingange isingazivikanwe nevamwe vagari venyika ino – tsika inoti madzimambo kana madzishe havamhoreswe nemawoko. Pangava pakukwazisana kana parufu, mambo haakwaziswe nemawoko asi kuti anongouchirwa bedzi.
Kwayedza yakatsvaga nezvetsika idzi ikanzwa zvakawanda.

Sekuru Elisha Mutanga (60), avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu vachigara kuUshewokunze, muHarare, vanoti tsika yekuti madzishe havamhoreswe kana kubatwa mawoko panhamo yakagara iriko kubvira nakare.

“Kubva pasichigare, madzimambo nemadzishe havachingamidzwe nemawoko pakukwaziswa. Kana kudzinhamo hatovaende. Iyi itsika yakagara iriko sezvo vari vanhu vanoremekedzwa.

“Imhaka yekuti kune vamwe vanhu vane mishonga yekushereketa zvinotyirwa kuti vanogona kukuvadzwa,” vanodaro Sekuru Mutanga.
“Munhu wose ane hutungamiri sepakugadzwa kwehushe, panotova nekurwisana neruvengo mumadzinza. Saka mambo akakwaziswa zvinotyirwa kuti anogona kushandisirwa mishonga akakuvadzwa kana kutorerwa simba.”
Vanoti nekupindana kwemazuva kune vamwe vave kukwaziswa izvo zvavanoti kutsaudzira tsika.

Sekuru Mutanga vanoti panyaya yekusasvika panhamo, zvinotyirwa kuti madzimambo akasvika panzvimbo dzakadai vanogona kusangana nevane mishonga yakaipa vakakuvadzwa. “Kune mamwewo madzishe vanonzi havabvumidzwe kusvika pane zvitunha zvichifambirana nekugadzwa kwavanenge vakaitwa. Vanozosvika vachibata mawoko mushure memwedzi nhamo yapera. Pakubata mawoko apa, havachingamidzwe nemawoko, vanongosvikoti nematambudziko nemuromo,” vanodaro. Vanoti kune vamwe vanhu vanobatwa nemweya vakaita semapositori, masvikiro nen’anga avo vasingakwaziswe nemawoko nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, kusanganisira kutya kutorerwa masimba.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaFriday Chisanyu, vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), vachiti:
“Kunze kwekuti madzimambo nemadzishe vanogona kuroiwa vakabatwa mawoko avo uyewo nekusvika padzinhamo, tsika iyi yakagara iriko sekuvaremekedza.”

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), vekwaMutare, vanova mumwe wevasingamhoreswe, vanoti idzi itsika dzakagara dziriko.
“Nyaya yekuti mambo kana ishe haabatane mawoko neruzhinji zvakagara zviriko sekuremekedza pasina kana mishonga inganzi inoshandiswa nemadzishe. Imwewo nyaya inotyirwa kuroiwa kwemadzimambo kana vakavabata mawoko,” vanodaro.

Panyaya yekusvika panhamo, Mambo Zimunya vanoti zvinosiyana munhu nemunhu uye hazvina chinoyera kana vakasvika parufu, asi vasingabatane mawoko nevaripo.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo (62), vekuMhondoro, vakatsinhirawo vachiti nyaya yekusakwaziswa kwemadzishe inoratidza kukosha kwetsika dzevatema, zvikuru muno muZimbabwe.

“Mambo kana ishe haabatwe mawoko sekukwaziswa, kunyange nemudzimai wake chaiye. Panyaya yekuti havaende kunhamo, zvinosiyana sezvo vamwe vachienda vamwewo vasingaende. Asi chandinoziva ndechekuti madzishe kana madzimambo haabvumidzwe kuona zvitunha,” vanodaro.
Mambo Chundu, VaAbel Mbasera (43), vekuHurungwe, kuMashonaland West, vanoti madzishe nemadzimambo havabvumirwe kukwaziswa zvose nekusvika parufu.

“Tsika iyi yakagara iriko nakare, asi nyaya yekuti vasakwaziswe kunogona kunge kuri kuremekedza kana kutyira kuroyiwa nekuti vanhu vanoda kutonga, unofa,” vanodaro Mambo Chundu.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (41), vanoti havana zvizhinji zvavanoyeresa uye pane dzimwe tsika dzinofanirwa kusatevedzwa nemadzishe nekufamba kwenguva.

“Ini ndinokwaziswa uyewo kunhamo ndinoenda. Zvisinei ndichizviita, vakuru vandinofamba navo havadi kuti ndikwaziswe kana panhamo ndinobatwa mawoko. Kune vamwe vasingakwaziswe ndinofunga kuti vanotyira mishonga nekuroyiwa,” vanodaro.

Mambo Chihota vanoti chavasingaite bedzi kudya chikafu chepanhamo, izvo vakawana zvirimo muhumambo hwavo kubva nakare.
Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (46), vekuGokwe, avo vasingakwaziswe kana kusvika parufu vanoti iyi itsika yechivanhu.

“Mambo kana ishe haakwaziswe, zvinopa mikana kune vanoda kuroya kana imwe nzira yekukuvadza. Kana kuenda kunhamo munhu achiri mumba hazvibvumidzwe, mambo kana ishe anozoenda mushure memazuva mutumbi wavigwa,” vanodaro Mambo Chireya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey