Uncategorized

Manyepo ‘elockdown’ amuparira

23 Apr, 2020 - 23:04 0 Views
Manyepo ‘elockdown’ amuparira

Kwayedza

Tendai Rupapa
MURUME anogara kuChitungwiza — nyakufojera runyoro (signature) rwemutungamiri wenyika President Mnangagwa achinyepa kuti mazuva 21 ekutanga ekuti veruzhinji muZimbabwe vagare kudzimba sedanho rekumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 — akasungwa.

Lovemore Zvokusekwa (36) uyo anogara panhamba 7094 Unit J akasungwa nemusi weMugovera wadarika ndokumiswa pamberi pemutongi Judith Taruvinga wedare redzimhosva remuHarare nemusi weMuvhuro uno.

Mashoko emanyepo ayo akagadzirwa naZvokusekwa akatanga kutenderera padandemutande sepaWhatsApp apo Zimbabwe yainge ichangotanga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba chipo chemasvondo maviri adarika.

Zvokusekwa ari kutongwa nemhosva yekuburitsa kana kufambisa mashoko enhema ayo anokanganisa nyika. Akanzi adzoke mudare iri nemusi wa13 Chivabvu. Magwaro ari mudare iri anoti Zvokusekwa mushandi weHigh Range Resources (Pvt) Ltd.

Muchuchisi Lawrence Gangarahwe anoti neimwe nguva mwedzi uno, Zvokusekwa akaburitsa mashoko emanyepo achiita sekunge zvainge zvabva kumutungamiri wenyika pasi pemusoro waiti, “Extension of lockdown period by 13 days only”.

Zvokusekwa akatenderedza mashoko emanyepo aya paWhatsApp achishandisa nhare yake yerudzi rweHauwei ine mutsara weEconet.

Dare rinoudzwa kuti President Mnangagwa havana kumbobvira vaburitsa mashoko aya kana kuisa runyoro rwavo.

Kuburitsa kana kufambisa mashoko emanyepo pamusoro peutachiona hwecoronavirus kana chirwere chahunokonzera cheCovid-19 imhosva yakakurisisa muZimbabwe iyo inogona kuita kuti anokonwa nayo apike jeri kwemakore 20.

Vachitaura vari kupurazi ravo rePrecabe Farm riri kuKwekwe nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakayambira vanofambisa manyepo pamusoro peCovid-19 vakati vanhu ivava vanogona kunopika jeri kwemakore 20 kana vakabatwa nemhosva.

Ipapo President Mnangagwa vakaramba mashoko ekuti vainge vawedzera mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba sezvo pasina zvakadaro zvainge zvaitika.

Ndipo pavakati kuferefetwe kwakabva nemashoko enhema aitenderera aya.

“Handina kumbobvira ndaburitsa mashoko akadaro saka mashoko ari kutenderera aya ihobho yemarara. Tava nemutemo unoranga vanobika nhau dzenhema uye ndati nyaya iyi iferefetwe kuti ndivanani vakaivamba. Kana akazivikanwa, tinoda kuti munhu iyeyo ave mucherechedzo kuburikidza nekunopika jeri kwemakore 20. Zvakaipa kufambisa manyepo, kunyanya ari pamusoro pemutungamiri wenyika,” President Mnangagwa vakadaro ipapo.

Kunyika yeSouth Africa kwakaiswawo mutemo unoranga vanhu vanofambisa manyepo pamusoro pecoronavirus.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>