Uncategorized

Maporofita akapisa $400

13 Mar, 2015 - 10:03 0 Views
Maporofita akapisa $400

Kwayedza

Malvern Mugadzikwa naDaphne Machiri
MUMWE muporofita wechechi yeNyeredzi Nomwe YeChishanu anoti nguva yapera vakapisa $400 pamwe chete nekamba nenyoka izvo zvavakabata pane mumwe musha uri kwaChiriseri, kwaChinhamora mudunhu reDomboshava izvo zvinonzi zvaikonzera kurwara kwemwanakomana wepo.

Mukubuda kwenyaya iyi zvinonzi pakabatwa nyoka nekamba izvi, mweya ukabva wataura kuti zvinofanira kupiswa pamwe chete nemari inokwana kutenga mombe, inove $400.

Rodrick Mhosva (49), uyo anozivikanwa saMadzibaba Stepnage, naEdson Ruzhero (32) anodaidzwa nekuti Madzibaba Samson, ndivo vanoti vakabata zvinhu izvi.

Hillary Ngomani ndiye anonzi akarwara nedambudziko rekurasika njere apo aida kunopinda basa zvikazoita kuti vabereki vake vaende kunotsvaga rubatsiro kumaporofita aya.

Muhurukuro naMadzibaba Stepnage, vanoti nyoka nekamba izvi vakazvibata vaina Madzibaba Samson. Vanoti zvinhu izvi vakazvibata muimwe imba pamusha uyu.

“Mweya wakandiudza kuti zvinhu zvatakabata mumusha memukomana uyu zvaida kuti zvipiswe nemari ndokuti zviende. Isu taizoteurira patinenge tichipisa zvinhu izvi kuti zvisadzoka sezvo tinenge tazviendesa nemubhadharo wazvinenge zvichida,” vakadaro Madzibaba Stepnage.

Vanoti zvinhu izvi vakazozvipisa pamwe chete ne$400 mune rimwe bako riri musango kuMazowe.

Madzibaba Samson vanoti mumhuri iyi mune vainge vakaromba nyoka nekamba izvo zvaiuraya vanhu gore negore nechinangwa chekutsvaga upfumi.

“Hapana mwana wemumusha uyu aibudirira, upenyu hwavo vainonoka sekufamba kwekamba.

“Pakuzvibata, kamba ndiyo yakanetsa. Yakamera mvere nekurutsa ropa zvinova zvakatityisa. Pose paifa munhu nyoka yaifamba pachivanze asi yozongotsakatika,” vakadaro Madzibaba Samson

Madzibaba Samson vanoti mukuita basa ravo havabhadharisi asi kuti vanotevedzera zvinenge zvada mweya.

“Vanhu vemhuri yatakabatsira patakapedza vakatibvunza kuti tobhadhara marii uye vakanga vati votibhadhara nemombe isu tikavati munotenga nguwo chena dzekutenda chete,” vakadaro.

Mukadzi waMadzibaba Stepnage, uyo akaramba kudura zita rake, akatsinhirawo achiti:
“Zvinhu izvi zvakabatirwa kwaChiriseri mushure mekunge murume wangu akaenda pamwe chete naMadzibaba Samson apo vakanozvibata vakauya nazvo kuti vazvipise.

“Vakazotakurana nazvo vakaenda kuMazowe uko kwavaiti vachapedzisa basa kana zvinhu zvabhadharirwa mari yazviri kuda inoita $400.”

Mumwe wevanhu vanoti vakaona nyoka nekamba izvi, Munyaradzi Chinja, anoti zvakazoonekwa nevanhu apo maporofita maviri aya vakauya nazvo vakazviisa pamba pavo vakazvivharira pasi pedhishi vachida kuzvipisa.

“Takazongomhanya tanzwa kuti kwabatwa nyoka nekamba,” akadaro.

Muhurukuro nemumwe wemhuri yekwaNgomani, uyo akaramba kuti zita rake ribude, anoti nyoka nekamba zvakabatwa zvechokwadi.

“Nyoka nekamba zvakabatwa tikazvionera nemaziso edu. Maporofita aya haana kukwanisa kutiudza muridzi wezvinhu izvi chaiye nekuti vakati zvinozoita kuti tisare tichinetsana mumhuri.

“Vakati chavanongogona chete kuzvibvisa vonozvipisa. Isusuwo semhuri tine vatakangofungidzira asi handikwanise kutaura kuti ndiyani nekuti zvinozoita kuti tinetsane, pamwe havasirivo,” akadaro.

Mukubvunzurudzwa kuti vakanga vabhadhariswa $400 here ikazopiswa pamwe chete nezvinhu izvi, akati zvemari haazvizive sezvo zvimwe zvacho zvaitaurwa asipo zvisinei nekuti ndiye akanga afamba akamirira mhuri nemunin’a wake aida kubatsirwa.

“Isu maporofita akangotiudza kuti tinozobhadhara maererano nekugutsikana kwatinenge taita. Zvemari handina kuzvinzwa, zvichida zvakataurwa ndisipo nekuti pamwe pacho ndaimbobuda panguva yaibatsirwa munin’ina wangu. Pakupiswa kwezvinhu ndakangoona kamba nenyoka chete, mari handina kuiona,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey