Uncategorized

Mapurisa akapedza zvidzidzo

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Mapurisa akapedza zvidzidzo Mapurisa 179 vakapedza zvidzidzo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPURISA 179 eZimbabwe Republic Police (ZRP) Support Unit nemusi weChishanu wadarika vakatambidzwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvinofambira nebumbiro remutemo wenyika mukubata kwavo basa nekuchengetedza runyararo.

Pamapurisa aya, munhukadzi mumwe chete uye vakaita zvidzidzo zvinosanganisira nhoroondo yeZimbabwe, bumbiro remutemo renyika, kurwisa vavengi, kushandiswa kwezvombo, kuchengetedza runyararo, kushandiswa kweredhiyo nekuziva nzvimbo dzakasiyana, pakati pezvimwe.

Vaive muyenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, Officer Commanding Support Unit, Commissioner David Mahoya, vanoti vanofara kuti mapurisa aya akapedza zvidzidzo zvavo zvakanaka izvo zvichabatsira kuti vabate basa nemazvo – kunyanya mukuchengetedza runyararo.

“Support Unit inozivikanwa nekugona basa, saka kuwedzerwa kweruzivo pakati pemapurisa kunobatsira zvikuru kuti vakwanise kurwisa kuparwa kwemhosva munyika uye kuchengetedza runyararo. Tinofanira kushanda nemazvo zvekuti vanhu havafanire kusara vaine mibvunzo maringe nebasa redu,” vanodaro.

Vanoti Support Unit inoshanda nemamwe mapazi eHurumende seremauto nematikitivha mukurwisa kuparwa kwemhosva.

Comm Mahoya vanoti vari kubatsira zvakare vanhu vakawirwa nenjodzi yeCyclone Idai kudunhu reManicaland.

“Takatoendesa zvikwata zvemapurisa eSub-Aqua neveTactic Team kuti vanobatsira mukufukunura mitumbi yevanhu avo vakafushirwa nemafashamu ane dutu eCyclone Idai pamwe nekuendesa vapenyu kunzvimbo dzisina njodzi,” vanodaro.

Comm Mahoya vanoshoropodza kushandiswa kwedandemutande seWhatsApp nenzira dzisiri idzo apo vamwe vanhu vanofambisa mashoko emanyepo izvo zvavanoti zvinounza kusagadzikana munyika.

Zvichakadai, vachitaura neKwayedza, Constable Precious Magwadza vanoti vakasarudza kuita zvidzidzo izvi nevanhurume nekuda kwehushingi.

“Dambudziko riripo nderekuti mamwe madzimai anogona kuzvityira nekuti vanenge vachifunga kuti kuSupport Unit kunorwadza asi ini pamwedzi mina yandakaturena, handina kumboomerwa uye ndakatosarudza ndega kupinda muzvidzidzo izvi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>