Marara neCovid-19

08 Jul, 2021 - 11:07 0 Views
Marara neCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNGUVA ino apo nyika iri kuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, veruzhinji vanokurudzirwa kuti vachengetedze nharaunda zvichitevera huwandu hwemarara emapamba (diapers) ayo ari kurasirwa pose-pose mudzimba, pakati pemaguta nemadhorobha.

VaRogman Muchengapadare, avo vanova mutungamiriri wesangano rinoona nezvederedzwa kwekurasirwa kwemarara pose-pose reNational Action Plan on Used Diapers (NAPUD), vanoti veruzhinji vanofanirwa kusiyana netsika yekurasira madiapers ane tsvina pose-pose sezvo kuita uku kuchikonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka pamwe nekupararira kweCovid-19.

“Zvakakosha kuti madiapers nemapamper kana achinge ashandiswa atange agezwa, oomeswa asati apiswa kuitira kuti tisasvibise nharaunda dzedu. Chirwere cheCovid-19 uye manyoka zvinodanwa nehuchapa hwemhando iyi.

“Kana tsvina iri pamapamper iwayo iri yemunhu ane chirwere cheCovid-19, mikana yekupararira kwedenda iri inowanda. Zvekare, kuraswa kwemamasiki akashanda pose-pose kuri kuramba kuchiwedzera nguva nenguva inova mviro-mviro yekutekeshera kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro.
Marara emamasiki nemapamper atekeshera pose-pose mumaguta zvekuti vashandi vekanzuru avo vanotsvaira vari panyatwa zvekare kana vakashanda vasina dziviriro yemagirovhosi uyewo vasina kupfeka mamasiki nekuzvishambidza maoko nesipo nemvura yakachena.

“Vashandi vekanzuru vanofanira kuwaniswa zvinovakwanira kuti vachengetedzeke munguva ino yechirwere cheCovid-19. Zvatava kuzonopinda mumwaka wemvura, marara iwayo achakukurwa achinovharira mapombi nemwena inofambisa mvura uye anogumisira aenda kunzizi nekumadhamu  sekuLake Chivero, Prince Edward Dam, Hunyani zvichinopera kuKariba kana Mutirikwi anova madhamu anotiwanisa mvura yekunwa nehove.

“Kureva kuti kusvibiswa kwenharaunda idendenedzwa reupenyu sezvo tsvina iyoyo ichizopedzisira yadzoka zvekare kwatiri. Ibasa remunhu wose kuona kuti nharaunda dzachengetedzwa,” vanodaro.
Kunze kwekurwisa nyaya dzekusvibiswa kwenharaunda nemarara emapamper, VaMuchengapare vari kufundisa zvekare vanhu maringe nekurwisa Covid-19.

“Ngatirambei takangwarira Covid-19 asi panguva imweyo tichingwarirawo zvirwere zvagara zviripo secholera netyphoid. Mukacherechedza zviratidzo zveCovid-19  zvakatongofanana nezvemalaria kana flue yatagara tichiziva saka zvoreva here kuti fluenza kana malaria haicharapwi.
“Nyika yaakutoda dzidziso nekuti Covid-19  iriko, asi vazhinji tinogona kuraswa nekuda kwezvimwe zvirwere zvakafanana neCovid. Mumwe akanzwa flue kana kuchipatara haachaenda achitya kuendeswa kuquarantine,” vanodaro.

VaMuchengapadare vanoti ivo vakamborwara nechikosoro asi vakapotera kuchipatara vakavhenekwa vakaonekwa vasina Covid-19, chikosoro ndokurapwa.

VaGilbert Mugunzva, avo vanova environmental officer kuEMA, vanoti mutemo hautendere kuraswa kwemarara kana tsvina pose-pose.

“Mutemo weEnvironmental Management Act (Chapter 20:27) – uyo wakadzikwa mugore ra2002 – unorambidza kusvibiswa kwenharaunda nemarara, kuparadzwa kwenharaunda kuburikidza nekutemwa kwemiti, kana mhepo yakasviba inobva mudzimotokari nemumaindasitiri.

“Vose vanobatwa vachipara mhosva idzi vanosungwa. EMA iri kuramba ichiita kurudziro dzekudzivirira kusvibiswa kwenharaunda mushure mekuona kuti idambudziko guru, kunyanya mumaguta,” vanodaro.
Vanoti kusvibiswa kwenharaunda kunodzosera kumashure zvinangwa zvebudiriro zvenyika zveVision 2030.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>