Mata oti mutambo weLiverpool makata

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mata oti mutambo weLiverpool makata

Kwayedza

JUAN Mata akabvuma kuti Manchester United inogona kubatwa neLiverpool pakurwira kupinda mutop 4 kana ikaramba ichingokundwa.

United yakakundwa mutambo wayo wechitatu kakatevedzana muPremier League musi weMugovera apo yakakundwa 1-0 neWest Brom kuOld Trafford.

Kukundwa uku kunotevera kurakashwa kwayakaitwa neChelsea neEverton, chikwata chavan Gaal chichikundikana kunwisa mumitambo mitatu iyi.

Mata akabuda pachena kuti United inofanirwa kukunya masokisi zvakasimba kuti isasiye Liverpool iyo yakagara pechishanu ichiidarika kupinda mutop 4.

“Svondo radarika zvanga zvisina kutimirira zvakanaka,” mutambi weUnited uyu akanyora pandandemutande rake rinonzi One Hour Behind.

“Zviri pachena kukundwa kwatakaitwa 1-0 kuOld Trafford hakuna kutifadza uye tinofanirwa kuhwina nekuchimbidza, zvimwe zvikwata zviri pamberi pedu zviri kuramba zvichingohwina uye zvimwe zviri pasi nesu zviri kuswedera pedyo nesu.

“Masvondo adarika, tange tichiwana mikana yakawanda munhandare asi tichikundikana kunwisa.

“Tinofanirwa kushanda nesimba kuti tinwise sezvo tave nenguva tisinganwise. Svondo radarika takaedza nepatinogona asi mubati wavo wepagedhi aibata sekatsi musi uyu.” Mata akaona chikwata chaakambotambira cheChelsea chichisimudza mukombe wePremier League musi weSvondo. Zvakadaro, kunyangwe achiti anofara nezvakaitwa nechikwata ichi, anoshuvira kutora mukombe uyu neUnited mwaka unotevera.

Chizvarwa chekuSpain ichi chakanyora kuti, “Chelsea ndiyo shasha dzegore rino muPremier League. Ndakorokotedza shamwari dzangu dzandakambotamba nadzo uye ndiri kudzikorokotedza zvekare, mwaka uno vatamba nhabvu inodakadza inonwisa mvura. Ndinovimba kuti gore rinotevera tisu tichakorokotedzwawo.” — Sky Sports.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>