‘Matambiro eChevrons marwadzo’

05 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
‘Matambiro eChevrons marwadzo’

Kwayedza

Abel Ndooka
HUTUNGAMIRI hweZimbabwe Cricket (ZC) hunoti hunoda kuona shanduko huru mumatambiro anoita chikwata chenyika chemaChevrons zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwachange chichiita mumitambo yadarika.

Nguva pfupi yadarika, maChevrons akarakashwa (whitewash) pamusha neBangladesh mumitambo yeOne Day International, Twenty20 Series neTest Match uye izvi zvinotevera kukundwa kwakaitwa chikwata chenyika ichi zvekare nePakistan pamwe neAfghanistan gore rino.

Pamusangano wakaitwa svondo radarika, ZC yakapa basa kuna director of cricket, Hamilton Masakadza, kuti ave nehurongwa hwekumutsiridza chikwata ichi apo chiri kutarisirwa kunokwikwidza necheIreland uye neScotland mumitambo yeSuper League yekurwira kuenda kumutambo weICC 2023 World Cup kuIndia.

Muchinyorwa chakabva kuZC, mukushi wemashoko wesangano iri – Darlington Majonga – anoti Masakadza akapihwa basa rekuti agadzirise zvinhu zvakasiyana-siyana maringe nemaChevrons.
“Takabuda mumusangano tikawirirana kuti director of cricket auye nehurongwa hwekumutsiridza mutambo uyu uye kuti agadzirise nyaya nhatu dzinoti kusarudza vatambi, nyaya dzehunyanzvi hwevatambi uye kuongorora matambiro evatambi vacho.

“Hurongwa uhu hunofanira kunge hwavepo chikwata chenyika chisati chasimuka chakananga kuIreland uko chinofanira kunosangana neIreland chozosangana zvekare neScotland mumitambo yeSuper League,” anodaro Majonga.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Majonga anoti chikwata chemaChevrons chiri kufanirwa kusimuka chakananga kuIreland mumazuva anotevera kunorwira tickiti rekuenda kuWorld Cup. Anoti nekuda kwekuti Zimbabwe iri kuonekwa senyika ine vanhu vakawanda vari kubatwa neCovid-19, maChevrons ari kufanirwa kusimuka osvika ombogara pavo vega kwemazuva izvo zvinotarisirwa kuitwa nevanhu vanenge vashanya kune dzimwe nyika panguva ino apo pasi rese riri kurwisana nedenda reCovid-19,” anodaro Majonga.

Anoenderera mberi achiti, “Tiri pakati pekuita hurukuro maringe nemafambiro atichaita kuenda kuIreland neScotland kunotamba nezvikwata zviviri izvi. Patichafamba, tinofanira kusvika tombogara pedu toga nekuti ndizvo zvinotenderwa kuitwa panguva ino yatiri yekurwisana neCovid-19 sezvo denda iri riri kuuraya vanhu pasi rose.

“Mitambo yekuIreland neScotland yakatikoshera nekuti ndeyeSuper League yekurwira kuenda kuWorld Cup saka tinotofanirwa kukwidziridza masokisi edu kuti tigohwina.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>