Matambiro emaWarriors kuEurope

13 Mar, 2024 - 13:03 0 Views
Matambiro emaWarriors kuEurope Marshall Munetsi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chekuFrance cheStade de Reims nemaWarriors, Marshall Munetsi, akanwisa nemusi weSvondo apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 nechePSG mumutambo wakatambirwa kunhandare yeParc de Princes.

Munetsi ndiye akatanga kunwisa mumutambo uyu apo wainge watambwa maminitsi matanhatu, PSG ndokuzorwisa kudzoka mumutambo uyu ukapera uri mangange 2-2.

Poindi yakawanikwa neReims mumutambo uyu yakaona chikwata ichi chichigara pechipfumbamwe palogo reLigue 1 chiine mapoinzi 35 kubva mumitambo 25 yachatamba pari zvino.

PSG ndiyo iri kutungamira palogo iri iine mapoinzi 56 kubva pamitambo 25 yayatamba.

KuFrance kwakareko, Tino Kadewere aive muchikwata cheNantes icho chakakundwa 2-0 necheOlympique Marseille mumutambo wakatambirwa kunhandare yeMarseille yeOrange Velodrome.

Tino Kadewere

Nantes iri kutatarika zvikuru sezvo chikwata ichi chiri chimwe chezvikwata zviri kurwira kusabuda muLigue 1 mwaka uno uye Kadewere haasi kunyatsotamba zvakanaka sezvo akwanisa kunwisa kamwe chete mumitambo misere yeNantes yaatamba.

KuItaly, Jordan Zemura akatanga akagara pabhenji musi weMuvhuro apo Udinese yakakunda Lazio 2-1 mumutambo wakatambirwa kunhandare yeLazio yeStadio Olimpico.

Jordan Zemura

Zemura akazopinda mutambo uyu watambwa maminitsi 74 achitsiva Hassane Kamara chizvarwa chekuCote d’Ivoire uyo ainge atanga mutambo.

Mwaka uno Zemura akwanisa kutamba mitambo 21 yeSeries A kubva pa28 yatambwa neUdinese kusvika pari zvino.

KuTurkey, Teenage Hadebe akatamba mutambo wese apo Konyaspor yakaita mangange 2-2 neAdana Demispor musi weMugovera mumutambo wakatambirwa kunhandare yeMedas Konya Buyuksehir Stadyumu.

Teenage Hadebe

Kubva Hadebe aenda kuKonyaspor, akwanisa kutamba mitambo mitatu yeSuper Lig uye chikwata chake chakabva chabuda pakati pezvikwata zvange zvichirwira kusaburitswa muSuper lig.

Share This:

Sponsored Links