Matambiro emaWarriors kuEurope

18 Aug, 2023 - 01:08 0 Views
Matambiro emaWarriors kuEurope

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA mutsva wenhabvu yekuEurope wakatanga svondo radarika izvo zvakaona vatambi vemaWarriors vane chitsama vachitambira zvikwata zvavo.

Asi havasi vese vakawana rombo rakanaka sezvo vatambi vazhinji zvikwata zvavo zvakakundwa.
Jordan Zemura, uyo ave kutambira kuItaly kuSerie A, akatamba mutambo wekutanga weUdinese mumakwikwi eCoppa Italia chikwata chake ndokuhwina 4-1 chichikunda cheCatanzaro icho chinokwikwidza muSerie B.

Zemura mumutambo uyu akakwanisa kutamba maminintsi 67 ndokuzotsiviwa naHassane Kamara wekuCote d’Ivoire mechikamu chechipiri apo chikwata chake chainge chakatungamira 3-1.

Mitambo yeSerie A iri kutanga svondo rino uye Udinese ichange iri pamusha payo paDacia Arena apo ichasangana neJuventus.

KuEngland, chikwata chitsva chaMarvelous Nakamba cheLuton Town chakarakashwa 4-1 neBrighton & Hove kunhandare yeBrighton & Hove yeThe American Express Community Stadium.

Nakamba akatamba asi akakundikana kubatsira chikwata chake kuti chisaoneswe ndondo neBrighton. Svondo rino, Luton yange ichifanirwa kusangana neBurnley asi mutambo wezvikwata zviviri izvi wambomiswa.

Luton ichasangana neChelsea svondo rinotevera mumutambo uchatambirwa kuStamford Bridge.

KuFrance, Marshall Munetsi akatamba maminitsi 80 apo Stade de Reims yakakundwa 2-1 neOlympique Marseille kunhandare yeMarseille kuStade Orange Velodrome.

Reims ndiyo yakatanga kunwisa mumutambo uyu apo Junya Ito, uyo akanwisa, akabatsirwa naMunetsi asi Marseille yakazodzora ndokuhwina 2-1.

KuFrance zvekare, Tino Kadewere ainge akagara pabhenji apo chikwata chake cheOlympique Lyon chakakundwa 2-1 neStrasbourg nemusi weSvondo wadarika.

Kadewere akadzoka kuLyon zvichitevera kupedza kwaakaita mwaka wadarika ari kuRCD Mallorca yekuSpain uko ainge aenda nechikwereti.

Hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti kuLyon Kadewere arimo here muhuruongwa hwaLaurent Blanc mwaka uno.

KuIceland, Silas Songani akwanisa kutambira chikwata cheVestri mumitambo 13 kubva pa16 yatambwa nechikwata ichi uye anwisa kaviri.

Mwaka wekuIceland wakasiyana nemimwe yekuEurope sezvo nhabvu yeko ichinyanya kutambwa panguva inodziya sezvo isingatambike munguva yechando.

Nekune rimwe divi, vatambi vemuno vanotambira kune dzimwe nyika dzisiri dzemuEurope, aimbove kaputeni wemaWarriors – Knowledge Musona – uyo ave kutambira nhabvu yake kuSaudi Arabia, svondo radarika akatamba mutambo wekutanga kuchikwata chake chitsva cheAl Riyadh ndokubva anwisa apo vakakunda Al Wehda 1-0.

Musona akasvika kuAl Riyadh ndokubva agadzwa kuitwa kaputeni wechikwata ichi.

Ligi rekuSaudi Arabia richange richiteverwa zvikuru sezvo mwaka uno zvikwata zveko zvakatenga vatambi vane chitsama vane mukurumbira vanosanganisira Riyad Mahrez, Ngolo Kante, Roberto Firmino, Frank Kessie, Sadio Mane naEduardo Mendy.

Musona achange achimisidzana nevatambi ava.

KuChina, Nyasha Mushekwi akanwisa kaviri svondo radarika apo chikwata chake cheZhejiang Professional chakakunda cheShanghai Port 4-3.

Mwaka uno kuZhejiang Professional, Mushekwi atamba mitambo 21 ndokunwisa ka13.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>