Matambudziko anowira vanhu

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
3. Tsanangura matambudziko masere anowira vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei murungano Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei vanosangana nematambudziko ekuurairwa varume vavo muhondo. Izvi tinozviona kuna VaChinhamo vakanga vaurairwa murume wavo, VaZvauyanepi nevarwi vehondo yaShe Chivhimaushe. Vanofamba mitunhu yese yaibva kwaShe Marwei kusvika kwaShe Chivhimaushe vachingochema rufu rwemurume wavo.

Matambudziko anowira vanhu vekwaShe Marwei ndeekuparadzirwa misha. Anozadziswa panosiya papiswa misha yese yevanhu vaigara mudunhu raShe Marwei nevarwi vaShe Chivhimaushe ndokusiiwa rava dongo.

Vanhu vemudunhu raShe Marwei vanowirwa nematambudziko ekuurairwa ishe wavo. Tinozviona panosiya papisirwa Ishe Marwei mumba nemoto nevarwi vaShe Chivhimaushe pahondo yavanoita yeupambwa ndokusiiwa vafa.

Matambudziko anowira vanhu vemudunhu raShe Marwei ndeekutapwa. Izvi zvinobuda panotakurwa nhapwa dzaisanganisa VaChinhamo, Kufakunesu nedzimwewo kubva mudunhu raShe Marwei dzichiendwa nadzo kwaShe Chivhimaushe.

Matambudziko anosangana nevanhu vaigara mudunhu raShe Marwei ndeekurohwa. Zvinobuda Kufakunesu adonhera pasi arohwa mbama neuto raShe Chivhimaushe, paanenge achibva kunovhima akabata tsuro.

Nyota idambudziko rinowira vanhu vagari vemudunhu raShe Marwei. Izvi tinozviona panotapwa vanhu vekwaShe Marwei vari munzira kuendwa navo kwaShe Chivhimaushe. Vanobatwa nenyota zvinoonekwa nekuda kunwa mvura mukarwizi Donhodzo asi vanorambidzwa naVaChivhimaushe vaiti vanoda mvura ngavarohwe nemauto avo.

Vanhu vekwaShe Marwei vanosangana nematambudziko ekuiswa mubako rainhuwa. Izvi zvinobuda panotakurwa nhapwa dzakanga dzatapwa kwaShe Marwei dzichinovharirwa mubako naVaMabvura. Mubako iri makanga muine mweya wainhuwa zvakanyanyisa.

Mamwe matambudziko anowira vanhu vekwaShe Marwei ndeekudhumana misoro. Izvi zvinobuda panosiya pavharirwa nhapwa dzakanga dzatorwa kwaShe Marwei mubako naVaMabvura. Mubako iri maive nezirima zvekuti nhapwa dzakarovana misoro kusvikira yazvimba nekuda kwekusaona.

4. Tsanangura zvizere matambudziko masere anosangana nevatambi vari murungano rwunonzi Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Vatambi vari muna Pfuma Ndeyamaoko vanowirwa nematambudziko ekushaya mbereko. Izvi zvinoonekwa kuna Tsitsi anoita makore mazhinji aitodarika gumi mushure mekunge ave mudzimai waKufakunesu asi asati abata pamuviri.

Unherera matambudziko anowira vatambi vari murungano urwu. Zvinoonekwa kuna Kufakunesu naKufahakupere vaive vafirwa nevabereki vavo vese. Baba vavo, VaZvauyanepi vakanga vauraiwa nevarwi vaShe Chivhimaushe pahondo yeupambwa uye amai vavo, VaChinhamo vakauraiwa naShe Chivhimaushe muimba yavairara. Vatambi vanowirwa nematambudziko ekufirwa nemauto. Matambudziko aya anoonekwa achiwira Ishe Chivhimaushe pavanenge vachichema zvakanyanyisa pagungano revanhu raive pamuzinda wavo zuva ravabva kwaShe Marwei kunopamba upfumi, vachiti vaive varasikirwa neuto uye jinda ravo guru ravaivimba naro rainzi Ngwerume.

Nzara rimwe rematambudziko anosangana nevatambi murungano urwu. Matambudziko aya anobuda achiwira Kufakunesu zuva raatanga kuenda kunofudza mombe dzaShe Chivhimaushe nevamwe vafudzi. Tinomuona akagara pasi akazendama padombo achinzwa nzara. Vatambi vanowirwa nematambudziko ekutapwa. Izvi tinozviona kuburikidza naSekuru Handisumbi pavanenge vachiudza Kufakunesu aive aenda kumba kwavo kunotsvaga bakatwa raaida kupa amai vake VaChinhamo, vachiti vakanga vatapwa naShe Chivhimaushe ndokusiya vaparadzirwa misha yavo zvakaita kuti vazovewo muranda.

Vatambi vanowanikwa murungano urwu vanosangana nematambudziko ekupambwa. Izvi zvinoonekwa kuvanhu vaigara mudunhu raShe Marwei vanopambirwa dunhu ravo nevarwi vaShe Chivhimaushe. Vanosiya vaparadzirwa misha yavo nemoto sezvakaitwa waVaZvauyanepi newaShe Marwei uye kutorerwa zvipfuyo.

Kufirwa nehama matambudziko anosangana nevatambi. Tinozviona kuna Kufakunesu anofirwa nemunin’ina, Kufahakupere vari kuhondo yeupambwa kwaShe Chakandida mushure mekunge abaiwa kumusana nepamwoyo nepfumo neuto raShe Chakandida.

Mamwe matambudziko anowira vatambi murungano urwu ndeekurohwa. Izvi zvinojekeswa kuburikidza naKufakunesu anorohwa mbama neuto raShe Chivhimaushe pavanosangana husiku achibva kunovhima akabata tsuro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey