Uncategorized

Matanga kuungana

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Matanga kuungana Dr Chonzi

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naPaidamoyo Chipunza
KUSIYANA nezvakaitika musvondo rekutanga vanhu vemuZimbabwe vanzi vagare kudzimba uye vasafambe-fambe sedanho rekurwisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19, zvishoma nezvishoma veruzhini vatanga kusangana nekuva pedyo nepedyo.

Kubva musi wa30 Kurume, Hurumende yakadzika kuti veruzhinji vose — kunze kweavo vanoita mabasa anokoshesesa — vambogara mudzimba vasingaende kumabasa.

Nemusi weSvondo watiri kupinda, kunenge kuchikwana masvondo maviri azere danho iri ratanga kutevedzwa.

Kurudziro huru iri kuti vanhu pavanenge vasingafambe-fambe ipapa, vanofanirwa kukoshesa hutsanana nekugeza maoko nesipo uye vasingasvike pedyo nepedyo nguva dzose.

Musvondo rekutanga nepavamba rechipiri, veruzhinji vange vachiita sevanotevedzera nemazvo. Asi ongororo yakaitwa neKwayedza muHarare nekuChitungwiza pakati pevhiki rechipiri chirongwa ichi chatangwa inoratidza kuti zvishoma nezvishoma vanhu vatanga kutyora yambiro dzavari kugara vachipihwa seyekuti vange vari kure nekure nguva dzose.

Maitiro aya anogona kuisa veruzhinji panjodzi huru yeCovid-19.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu gumi nemumwe chete avo vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 apo vatatu vacho vakashaya. Murwere wechitatu pavanhu ava – murume wemuHarare – akashaika manheru ezuva iri.

Ongororo yeKwayedza yekuda kuona kuti veruzhinji vari kukoshesa zvakadii nyaya yekugarisana vari kure nekure (social distancing) inoratidza kuti mune dzimwe nzvimbo — kunyanya dzinogara veruzhinji, kumisika nemuzvitoro — vanhu vanoita sevarivara zvekuti vava kusangana nekufamba-famba vari pedyo nepedyo.

Semuenzaniso, nemusi weSvondo wadarika, varume vakawanda nepwere vainge vakaungana panhandare iri pedyo neChibuku Stadium, kuUnit H, kuChitungwiza apo vaitamba nhabvu. Apa mitambo yose zvayo nemamwe magungano — kunze kweparufu rwunotenderwa vanhu vasingadarike 50 — yakambomiswa.

Muzvitoro zvikuru zvemuHarare neChitungwiza, kunyanya zvainge zvichitengesa hupfu nemutengo wakaderera, vatengi vainge vari mumitsetse asi vari pedyo nepedyo.

Kurudziro inoti vanhu vagare kana kumira vachisiya chinhambwe chinokwana mita imwe chete kana kudarika pakati pavo.

Zvava kuitwa nevamwe izvi zvinoratidza kuti veruzhinji vanoita sevava kurivara.

Mukuru wezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti izvi zvine njodzi sezvo pachine mukana wekuti chirwere ichi chinokwanisa kupararira sezvo huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 muZimbabwe nekune dzimwe nyika huri kuwedzera.

“Zvinosuwisa kuti veruzhinji vava kutanga kusangana nekufamba-famba mazuva aya asati atokwana izvo zvinoisa nyika panjodzi yekukuparadzira Covid-19. Kana vanhu vakanzi vagare mudzimba, vanofanirwa kutevedzera izvozvo.

“Vanhu vakaratidza kutevedza mirawo yavakapihwa muvhiki rekutanga, zvisinei nekuti vamwe pari zvino vatanga zvekufamba-famba uye kusangana nehama neshamwari vari padhuze nepadhuze,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoti kugara kwevanhu mudzimba vasingafambe-fambe kunoratidza kuti kuri kushanda kune dzimwe nyika dzakaita sekuChina uko kwakatanga kuonekwa chirwere ichi sezvo vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari kuderera.

Vanotizve dambudziko rechirwere ichi muZimbabwe rinopera chete kana vanhu vakatevedzera zvakatarwa neHurumende kuti vambogara mudzimba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kushanda nemapazi eHurumende anosanganisira rezveutano nekurerwa kwevana mukukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zviri kudiwa sekuti vasaungane.

Vanoti veruzhinji havafanire kutora chirwere cheCovid-19 sedambe asi kuti vatevedzere zvakatarwa neHurumende sezvo zvichichengetedza utano neupenyu hweruzhinji.

“Kunzi vanhu vasafambe-fambe hakusi kudzvanyiriraba, kuchengetedza utano hweveruzhinji. Isu semapurisa tiri kusunga vanhu vanenge vachityora zvakataurwa neHurumende kuti vasafambe uye ticharamba tichisunga vasingatevedzere nemazvo.

“Kune vari kufamba nemota pamwe chete netsoka, vose tinosunga zvekuti kune vamwe vakatotongerwa kugara mumajeri nenyaya idzi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Panyaya yekuti kunewo mapurisa ari kufamba akaungana apo anenge ari pabasa, Asst Comm Nyathi vanoti vakuru vavo vavari kushanda navo vanofanirwa kutevedza zvakatarwa senzira yekuchengetedza utano hwemapurisa iwaya.

Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere mirawo yose yakaiswa neHurumende, kwete mashoko anofambiswa neveruzhinji ekunyepa sezvo chinangwa chekuti vanhu vagare mudzimba iri nzira yekurwisa kuparadzirwa kwechirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>