Matanho ekumisa Covid osimbiswa

16 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
Matanho ekumisa  Covid osimbiswa Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MAPURISA, vamwe vabati vezvemutemo nevanoona nezveutano vasimbaradza mabasa avo nedonzvo rekuti veruzhinji nevemabhizimisi vatevedzere zvizere matanho matsva akadzikwa neHurumende ekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri chino mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasavarairwe panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

Hurumende neMugovera wadarika yakazivisa nezvematanho matsva ekurwisa Covid-19.

Pasi pematanho aya, magungano ose haasi kutenderwa kusara kweparufu apo vanhu vanenge varipo vasingafanirwe kudarika 30.

Imwe shanduko iripo kuderedzwa kwakaitwa nguva dzekushanda neawa rimwe chete apo vashandi vachatanga basa na8 dzemangwanani vachipedza na6 manheru.

Vezvitoro zvinotengesa doro (bottle stores) vava kuvhura na10 dzekuseni vachivhara na4 zuva rodoka uye vatengi havachatenderwa kunwira panzvimbo dzavanenge varitenga.

“Veruzhinji vari kuyambirwa kuti mapurisa nevamwe vabati vezvemutemo vasimbaradza nyaya dzekuongororo mumigwagwa (roadblocks) uye nemunzvimbo dzakasiyana nechinangwa chekuona kuti vanhu vatevedzera matanho matsva aya.

“Vaongorori vezveutano vachaona zvakare kuti vemarestaurants, vezvitoro, mabhazi anotakura veruzhinji nevamwe vemabhizimisi vari kutevedzera matanho aya, kusanganisira kukanzura marezinesi ekushanda kana zvichikodzera,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Hurumende, vanodaro Sen Mutsvangwa, inoshushikana zvikuru nekukwira kwakaita huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 mukupera kwesvondo ra6 Chikumi kubva pa226 kuenda pa596 kupera kwesvondo ra14 Chikumi.

“Kukwira kwehuwandu uku kwakanyanya kukonzerwa nekushaya hanya kwevanhu nekutevedzera matanho ekudzvirira kupararira kweCovid-19, zvose munharaunda nekumabasa.”

Sen Mutsvangwa vanoti vanhu vanoenda kunze kwenyika vanofanirwa kungwarira zvikuru panyaya yekuzvidzivirira kubva kuCovid-19.

“Nyika dzakavakidzana neZimbabwe dziri kusangana nedambudziko rekuwanda kwenyaya itsva dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa. Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vangwarire zvikuru kana vachifamba mukati menyika nekuenda kunze.

“Vanofanirwa kutevedzera nemazvo matanho ekurwisa denda iri uye kuti vasafambe-fambe zvisina tsarukano,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 40 318 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 37 056 vakatopona asi vamwe 1 637 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 694 730 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 418 748 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>