Uncategorized

Mavende ekudya nyama dzevanhu

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mavende ekudya  nyama  dzevanhu Joshua Namate (kurudyi) nemudzimai wake, Winnie Namate (wechina kubva kurudyi) vari padare raMambo Zimunya.

Kwayedza

Nyore Madzianike
MURUME anogara kuSakubva, kwaMutare, anoti mudzimai wake muroyi uye akamuudza kuti mavende aainawo akakonzerwa nekudya nyama dzevanhu vakafa.

Joshua Namate akataura mashoko aya svondo rapera mudare raMambo Zimunya mushure mekunge amhan’arirwa mudzimai wake — Winnie Namate — achiti ari kumupumha huroyi.

Joshua anoti mudzimai wake akamushandisira mushonga werunyoka kana kuti rukawo izvo zviri kuita kuti ashaye moto zvachose pabonde.

Anoti zvakare mudzimai uyu akamusunga kuitira kuti awane mukana wekusasana nezvikomba zvake.

“Akadura kwandiri mudzimai uyu, kuti mavende ake akakonzerwa nekudya kwaanoita nyama dzevanhu,” anodaro Joshua.

Uyu Winnie anoudza dare kuti mashoko aya ndeekunyepa, iye haazi muroyi asi kuti mazino akamusiya ava nemavende akadonha patsaona yemotokari iyo akaita.

Anoti Joshua akambomuudza kuti akasevenzeserwa mushonga wekuti ashaye moto pabonde neimwe pfambi yake.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2014 apo sikarudzi yake yaisatirimuke. Akatanga kundipomera kuti ndini ndaive honzeri. Akazondiudza kuti akadanana nemumwe mudzimai, mukadzi iyeye ndiye akamugadzira achishandisa weti nemimwe mishonga.

“Ini ndaishanda sa’assistant accountant’ panguva iyoyo yaakadanana nemudzimai uyu,” anodaro Winnie.

Joshua anoti haachakwanisa kusanana naWinnie pabonde pamwe nekuwana mamwe mafaro ose anotarisirwa kana munhu ari muwanano.

Anoti mudzimai wake akamushandisira runyoka zvisinei nekuti vane vana vanonwe vose uye vakaroorana mugore ra1976.

Anotizve Winnie anopinda-pinda nevamwe varume.

“Akandisunga nhengo yangu nekudaro handikwanisa kuita bonde kubva ipapo. Ndine chokwadi chekuti ndiye akazviita kuti ndishaye basa nekuti ndakambomuona aine mushonga,” anodaro Joshua.

Anopamhidzira achiti akazoziva kuti akashereketerwa nerunyoka apo akashanyira imwe n’anga uko akaperekedzwa nemwanasikana wake. Joshua anoti akambobatsirwa akaita zvakanaka apo akapihwa mishonga yekuti ashandise nen’anga asi hazvina kusvika kure.

“Ndakapihwa mishonga zvikambopera mushure memazuva matatu ndaishandisa. Ndakazokumbira kuti ndiite bonde nemudzimai wangu asi akati ndinofanira kutanga ndamubhadhara. Kubva ipapo ndakatanga kuona kamuitiro kakasiyana kemudzimai wangu.

“Akatanga kunonoka kuuya kumba kana kuti dzimwe nguva haairara pamba. Izvozvo zvoga zvakaita kuti ndifungidzire kuti ari kudanana nevamwe varume. Ndakazivawo kuti mudzimai wangu ava kuita zvechipfambi,” anodaro Joshua.

Anoti mudzimai uyu akatangawo kumumanikidza kuita mabasa ose emumba.

Winnie anotiwo mararamiro aari kuita nemurume wake haana kumbosiyana nemunhu ari mujeri.

Anoti haachabvumidzwa kurara muimba yavo yekurara uye akasvika pamba 7 dzemanheru dzachaya, anokiirwa gonhi.

Murume wake, anodaro Winnie, ave kurara mubhedhuru mavo nemukoma wake waakashevedza kubva Harare.

Anoramba kuti ari kuita chipfambi.

Mambo Zimunya vanoti Joshua nemudzimai wake vanofanira kutsvaga $300 iyo ichashandiswa kutsvaga n’anga yekuti vabvunzire kuti Winnie muroyi zvechokwadi here pamwe chete nekuroyonora murume uyu pakusungwa kwaakaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>