Mazondo enguruve kunaka!

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Mazondo enguruve kunaka!

Kwayedza

SVONDO rino tiri kukaringa tiri kudhorobha reChitungwiza uko tichadonongodzerwa mabikirwo akanaka emazondo enguruve naVaLloyd Chiruka (38), avo vanova maneja uye vari nyanzvi pakubika paimwe nzvimbo inotandarirwa vanhu vachidya tunonaka paMakoni Shopping Centre.

ZVINODIWA:

Chekutanga tengai mazondo enguruve muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kana kuti mouraya moga nguruve dzamunochengeta.

Onai kuti mazondo abviswa mvere dzose moageza zvekusara achena. Chichekai kuaita zvidumbu zvakafanira muchishandisa muchina kana dzimwe nzira dzine hutsanana.

MABIKIRO:

Torai poto kana hadyana yakachena woisa mazondo imomo.

Chekai hanyanisi, matomatisi wokanda munyu netwumafuta twakafanira. Siyai zvichikwata pamwe chete kwemaminitsi angaite 20. Mazondo enguruve haafanire kunyanya kuibvisa nekuti anodimbuka-dimbuka saka ita kuti aibve zvakafanira.

ZVEKUDYISA:

Mazondo enguruve anogona kudyiwa nesadza jena kana rezviyo asi vamwewo vanongoda kuadya akadaro pamwe nekunwa muto wacho. Vamwewo ndivo vanoti anosimbisa mabhonzo, zvikuru emusana saka vachiafarira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>