Kwayedza
Danisa Masuku
MAPURISA ekuBulawayo ari kutsvaga makororo mana aive nemota yemhando yeHonda Fit avo vanonzi vakapamba vanhu vaviri vavakatakura mumugwagwa, ndokuzovamwaya mushonga kumeso, izvo zvakaita kuti vafende vasati vavabira.
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.
“Tinokumbira mashoko anogona kuita kuti makororo mana ayo aifamba neHonda Fit vasungwe. Vari kutsvagwa nemhosva yekupambwa mumwe murume nemukadzi vakakwira motokari yavo paMbalabala Turn-Off. Makororo aya akatyaira akananga kuBulawayo City Centre uko vakanorova vaviri ava vakavabira mari isati yazivikanwa ndokuzovasiya,” vanodaro Insp Ncube.
Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti mukadzi uyu ane makore 19 okuberekwa, uyo asingakwanise kudomwa nezita, akatakurwa nechikwata chemakororo aya aive neHonda Fit.
“Pavakanga vari munzira, mutyairi wacho akakumbira mari kumukadzi uyu nemumwe waakanga akwira naye. Mushure mezvo, mumwe wemakororo aya akanga akagara pachigaro chemberi akabva amwaya mukadzi nemurume ava mushonga kumeso vakabva vafenda pakarepo.
“Mushure mezvo, vakavabira mari vakabva vapamba vaviri ava ndokunanga kuBulawayo ndokusvika kuma11:30 manheru. Vakavasiya pedyo nekambani inotengesa mafuta edzimotokari panosangana mugwagwa Joshua Mqabuko Street na3rd Avenue vasati vasimuka,” anodaro.
Mudzimai uyu akazobengenuka ndokufonera mukuru wake wekubasa asati amhan’ara nyaya iyi paBulawayo Central Police Station.