Mbeu dzeHybrid dzechibage

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Mbeu dzeHybrid dzechibage

Kwayedza

John Basera

SVONDO rapera takataura nezvemipanda miviri yembeu inoti Nzou (Murigadzose) neShumba (Goho rinodzvova) inouchikwa nekambani huru yembeu muno nemuAfrica, yeSeed Co. Seed Co ikambani yembeu yava kuwanikwa munyika 17 dzemuAfrica, muzinda wacho uri muZimbabwe. Iyi ikambani yava nemakore 76 ichiuchika mbeu dzakasiyana-siyana, kunyanya dzechibage.

Svondo rino tichabata mimwe mipanda yembeu dzine mukurumbira dzinoti Mbizi (Muroora akarairwa), Tsoko (Mukadzi Usaende). Zvinonzi kuziva ambuya huudzwa saka tichabatawo nezvembeu itsva inonzi Tsuro (Mukadzi Usaende) ichangoburwa.

Idzi imbeu dzinotivirira zuva zvemandorokwati. Tichanyatsodzikisa gejo tichitsanangura hunaku hwemipanda mitatu iyi murimi ozosarudza inomuitira.

Chatiri kuvavarira kuti murimi asarudze mbeu dzakauchikwa, dzinopa goho nemari, zvozosimudza chirongwa chegutsaruzhinji munyika.

Ichokwadi kuti pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza. Kuti tiwane goho sevarimi, tinofanira kugadzirira zvakakwana nekushanda nesimba.

MBIZI:

Mbeu iyi vanoirima vanodada nayo uye vanoiti “manjenjenje ganda remusikana” nekuti inodadisa pamukoho. Tingaiti “muroora akarairwa”, kunyange kukapisa sezvinoita kunana Region 3, 4 uye 5, “inobikira murume chikafu” zvichireva kuti kunyange zuva rikapisa zvakadii, unotokohwa chete nembeu yeMbizi. Idzi imbue dzeHybrid dzinotivirira zuva zvemhando yepamusoro, dzichipa murimi goho rakakura rinobatika.

Mumupanda weMbizi mune mhando dzebeu nhatu dzinoti SC513, SC533 neitsva inonzi SC529. Varimi vari kuwana goho rinopfuura 8 tonnes pahekita imwe chete zviri nyore nembeu idzi kunyange dzarimwa nemvura yekunaya. Vamwe varimi vane chitsama vakasvika kuma 10 tonnes pahekita mumwaka wapfuura neMbizi.

Tinokurudzira varimi varime Mbizi kana vanonoka kudyara nemasvondo maviri kana matatu kana vari kuRegion 1, 2 ne3. Kana muri kunzvimbo dzinopisa kune mvura shoma, Mbizi inoda kudyarwa nemvura yekutangatanga.

Zvakare, kune vaye vanoda kuzoisa mbesa yemuchando, ndiyo imwe mhando yatinokurudzira nekuti inokurumidza kubuda mumunda toteera nembesa yedu yemuchando segorosi. Paongororo inoitwa neveART Farm gore negore mbeu idzi ndidzo dziri kukunda mhando dzese dzemumupanda iwoyu dzinorimwa muno muZimbabwe.

TSOKO:

Tsoko imbeu yemwaka mupfupi-pfupi asi ichipa goho rinobatika chose. Imbeu yeHybrid inotivirira zuva zvinonakidza saka tinoikurudzira kuti irimwe kunzvimbo dziya dzinonaya mvura shoma, dzine mwaka mupfupi uye kuchipisa.

Pane mbeu ine mukurumbira inonzi SC403 inobuditsa chibage chichena, iri kupa goho rinosvika kuma 7 tonnes pahekita kana yarimwa zvakanaka. Kuya kunonaya mvura yakawanda tinoikurudzira kuti muirime kana manonoka kupinda mumunda.

Tinokwanisa kuidyara muna Ndira kunzvimbo dziye dzinonaya mvura yakawanda uye dzine mwaka mirefu. Inotora mazuva anoita kuma 100 kusvika 120 kuti isvike pakuibva. Imbeu inotumidzwa zita rekuti “Mukadzi Usaende” nekuti inotora mwaka mupfupi-pfupi zvekuti mhuri haiziye nenzara.

Tsoko yeSC402 inopa murimi chibage cheKenya chatinokurudzira kuti chipihwe kumhuka nekuti chine chikafu chakawanda cheprotein. Iyi iri kupa vgoho rinosvika pa 9 tonnes. Inotivirira zuva nezvirwere.

TSURO:

Imbeu yeHybrid itsva yatakaparura inotora mwaka mupfupi-pfupi kupfuura Tsoko asi ichipa murimi goho rinobatika. Iri kupa goho rinosvika pa7 tonnes kana yarimwa zvakanaka. Tinoikurudzira kunzvimbo dziya dzinonaya mvura shoma shoma dziine mwaka mipfupi. Inotora mazuva 86 kunzvimbo dzinopisa ichitora 110 kusvika 120 kunzvimbo dzinotonhora. Mbeu iyi varimi vazhinji vari kuiti “Mukadzi Usaende” nekuti inotora mazuva mashoma-shoma kusvika pakuibva. Tese tinoziva tsuro semhuka inomhanya uye yakangwara kwazvo. Mwedzi miviri chaiyo tinenge tava kutogocha chibage cheTsuro, uye yakangwara pakutiza kushomeka kwemvura (drought avoidance).

Kuya kunorimwa mapfunde ndiko kwatiri kuti varimi tambirai mbeu iyi moirima nenguva uye nemazvo. Kunzvimbo dzinonaya mvura yakawanda tinoikurudzira muirime kana manonoka kudyara nemwedzi chaiwo. Kune vakairima muna Ndira vamwe munaKukadzi asi vakawana goho rakanaka mwaka wapfuura.

Tinokurudzira mutenge mbeu dzakauchikwa nenyanzvi ndidzo dzinopa goho rakakura. Musashandise mbeu dzemudura dzinoderedza goho. Patsvakurudzo dzinoitwa nemapazi akasiyana muZimbabwe, mbeu dzechibage dzeHybrid dzinokunda mbeu dzekutora mudura nemaOPV nezvikamu zvinopfuura makumi matatu kubva muzana (30%). Murimi anoda goho rakakura anorima mbeu yeHybrid yakauchikwa neSeed Co! Akuruma nzeve ndewako!

Waziva mbeu yekurima inoenderana nenzvimbo yako, zvava kuda kuti urongeke utenge mbeu nekukasika woichengeta pakanaka pasinagsvikwi nehunyoro uye netwumbuyu.

  • Batai Mudhumeni Mukuru panhare dzinoti 0772 413 184 kana 0731 413 184 kuti munzwe zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey