Mbira dzinoswededza pedyo nevadzimu: Mbuya Jaravaza

11 Jul, 2023 - 16:07 0 Views
Mbira dzinoswededza pedyo nevadzimu: Mbuya Jaravaza Mbuya Jaravaza vaine chikwata chavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

“TOISA maoko mambo, toisa maoko changamire! Toisa maoko Murozvi, toisa maoko changamire . . .”

Vakawanda vanonakirwa nerwiyo urwu nekuda kwekuti rwunodoma mitupo nezvidawo zvevakawanda.

Kana wako mutupo usina kutasurwa mukambo ikaka, hameno.

Asi handi mashoko bedzi anonyanya kubata vakawanda – vose vakuru nevadiki.

Mbira mbira! Vamwe vanoti deze.

Rwiyo urwu rwukwenywa mbira zvekuti vaya vane mweya yekusvikirwa inogara iri pedyo, vanoita sevachabudirwa.

Asi nyaya iri pakuti ndiyani iyeyu ari kuita kuti vechidiki, zvose nevakuru, vafarire musambo wembira uyo waimbonzi nevamwe “ndezve mashavi”?

Sanganai naMbuya Sarudzai Jaravaza (53), munhukadzi aparadza pfungwa dzevaya vanofunga kuti mbira dzinokwenywa nevanhurume bedzi.

Musambo wembira, uyo unodaidzwawo kuti wedeze, unonyanya kuzivikanwa uchiridzwa nevanhurume izvo zvakarambwa naMbuya Jaravaza, mugari wemumusha weMbare, muguta reHarare, avo vaita mukurumbira nechikwata chavo cheDuramazwi Mbira Group.

Mbuya Jaravaza ndivo vanotungamirira Duramazwi Mbira Group uye vanoti zvakakodzera kuti varidze mbira vachikwikwidzana nevanhurume “pamamonya” ipapo.

“Mhuri yangu yose inoita zvechivanhu, saka ndakakura ndiri mazviri kumba kwedu kuchiitwa mapira nekurova makuva. Chido chekuridza mbira chakazosimbiswa ne(mushakabvu) Mbuya Stella Chiweshe uko ndaienda nekusangana navo vachiridza. Mugore ra2013 ndakazotanga kuimba nziyo dzembira,” vanodaro Mbuya Jaravaza.

Vanoti kubva ipapo, havana kuzodzokera kumashure apo vakaumba chikwata chavo chembira muna2013, kureva kuti Duramazwi yasvitsa makore gumi.

Kunze kwekambo Toisa Maoko, ndivoka vane kambo Pasi Rapinduka nekaya kanonzi Chembere Dzemvura.

“Ndinoyambira vamwe vangu madzimai kuti hakuna basa kana chinhu chinoitwa nevarume chete, chikwata changu cheDuramazwi chakurumbira munyika muno nekunze. Takaenda kuEgypt uko takanowana mukombe wekutanga pamakwikwi ekuridza mbira ikoko, tikadzoka kuno tikakorokotedzwa negurukota (revechidiki, mitambo nekutandara) Kirsty Coventry uye tikapihwa mukombe nemutungamiri wenyika zvinova zvinofadza,” vanodaro.

Mbuya Jaravaza, avo kumusha vanobva kuChivhu, vanoti nechikwata chavo vatsikisa nziyo dzinodarika nomwe dzinosanganisira Chembere Dzemvura, Pasi Rapinduka, Toisa Maoko, Chinyakare Chakaendepi naGaragara inova itsva.

Vanoti mbira dzinoswededza vanhu pedyo nevadzimu vavo uye hapana chakaipa padziri.

“Mbira chishongo chinosundidza chivanhu, padzinoridzwa iwe unotonzwa wega kuti pane zvave kuitika munyama yako uyewo pakugadzirwa kwadzo dzinopfupwa kuti dzigorira zvakanaka dzichisvitsa mashavi,” vanodaro.

Mbuya Jaravaza vanoti mbira hadzina zvipomerwa padziri nekudaro dzinokwanisa kuridzwa kunyangwe mumachechi nedzimwe nzvimbo.

“Chikwata changu cheDuramazwi Mbira Group chine nhengo gumi nembiri, kusanganisawo maneja wangu. Ini ndinonyora nziyo nekuimba uye kuridza mbira ndinokwenyawo zvishoma.

“Ndine vakomana vanoridza nevasikana vanotamba, uye kunze kwangu, kune vamwewo vanonyora nziyo vanosanganisa Punish Gandazha naTendai Kazuru.”

Mbuya Jaravaza vanoti chikwata chavo chashanyirawo nyika dzinosanganisa South Africa uye kuEgypt vakanokwikwidza kumitambo yeASWAN Cultural Festival kumavambo egore rino.

“Muchikwata changu ndinoimbawo nemwanasikana wangu, Mavis Masona (39). Kune vechidiki, ndinoti ngavasiye zvinodhaka nekuti tichashaya vachaendesa zvipo zvedu zvekuimba mberi,” vanodaro.

Vanoti chikwata chavo chinovaraidza veruzhinji munzvimbo dzekutandarira.

“Semunhukadzi, zvinogona kumbooma nekuda kwenguva yatinosvika tichiridza pamwe kutorara tiriko. Asi sebasa, hapana zvekuzviita,” vanodaro Mbuya Jaravaza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey