Mega Market Mountaineers shasha dzeLogan Cup

22 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
Mega Market Mountaineers shasha dzeLogan Cup Mega Market Mountaineers

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheMega Market Mountaineers ndicho chakasimudza mukombe weLogan Cup zvichitevera kukunda kwachakaita Eagles neinning uye ne123 runs kuOld Hararians Sports Club svondo radarika.

Mountaineers, sekunyanya kuzivikanwa kwainoitwa, yakatamba zvinonwisa mvura zvakaiona ichiita 631 runs kubva pa108 overs izvo Eagles yakakundikana kuzowana kubva pamainnings maviri ayakatamba.

Eagles yakazotamba mainnings maviri ndokuita maruns 302 painning rekutanga ne206 all out paining rechipiri izvo zvakaona Mountaineers ichihwina mutambo uyu isina kumbotamba inning rayo rechipiri.

Pamutambo uyu, vatambi veMountaineers Brian Bennet naTony Munyonga vakatamba zvinonwisa mvura apo Bennet akaita 264 runs, kuchiti Munyonga akaitawo 237 runs.

Nekune rimwe divi, mabowler eMountaineers — Tendai Chara naSalman Mirza — vakatambawo chikamu chikuru kubatsira chikwata chavo kuhwina sezvo vakatora mawickets akakosha pakange pave kubatter Eagles.

Chara akatora mawickets mana, kuchiti Salman Mirza akatorawo matatu.

Kubva pakatanga mwaka weLogan Cup wa2023-24, Mountaineers yatamba mitambo misere ndokuhwina mina, ikakundwa mumwe chete nekuita mangange mumwe chete zvekare izvo zvakaona ichiwana zvibodzwa 130.

Chikwata ichi chakapedza chiri pamusoro peSouthern Rocks iyo yakaita nhamba yechipiri yakakwanisa kuwana zvibodzwa 122 kubva pamitambo misere yayakatambawo.

Kuhwina kwakaita Mountaineers kwakaona chikwata ichi chichisimudza mukombe uyu uyo wachainge chakapedzisira kuhwina mumwaka wa2018/19.

Share This:

Sponsored Links