Uncategorized

Mhuka dzauraya vanhu 22. . . nzou 55 dzikafa nenzara

21 Oct, 2019 - 17:10 0 Views
Mhuka dzauraya vanhu 22. . . nzou 55 dzikafa nenzara Tinashe Farawo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU 22 munyika yose vanonzi vakafa mushure mekurwiswa nemhuka dzesango uyewo nzou 55 ndokufa nenzara nenyota kumasango anochengetwa mhuka eHwange National Park kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino.

Izvi zvakaziviswa nemukushi wemashoko kubazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo.

“Kumasango edu anochengetwa mhuka ayo akatekeshera nenyika ino, tine vanhu vanokwana makumi maviri nevaviri avo vakauraiwa nemhuka dzesango kubva munaNdira kusvika munaGumiguru.

“Nyaya iyi iri kufambirana nekuti mhuka dzedu dzatarisana nenzara huru nenyota izvo zvinoguma zvaita kuti dzipinde mumisha inogara vanhu dzichitsvaga kudya nemvura dzopedzisira dzave kukuvadza nekuuraya vanhu,” vanodaro VaFarawo.

Vanopa muenzaniso wemwana aive nemakore maviri okuberekwa wekuMbire uyo wavanoti akarumwa nebere pakazowanikwa mapfupa chete.

“Izvozvi tine murume akafa achitsikwa nenzou kuHwange nemumwewo akauraiwa nemhuka zvakare kuBeitbridge. Inyaya inosuwisa zvikuru kuburikidza nekuti mhuka dzedu dzesango dzatarisana nenzara zvichikonzerwawo nekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

VaFarawo vanotizve nzou 55 dzafa kumasango ekuHwange National Parks nekuda kwenzara nenyota yadzika midzi ikoko.

“Kumasango anochengetwa mhuka eHwange National Park kubva mumwedzi waGunyana kusvika Gumiguru, nzou dzafa nekuda kwenzara nenyota dzinokwana 55. Hakusisina mvura, kana kudya kwacho hakuna sezvo nzvimbo iyi isina rwizi.

“Mhuka dzinofamba makiromita anodarika makumi mashanu kuti dzinowana mvura yekunwa iyo tinochera kubva muzvibhorani, ikoko dzinosvika dzaneta dzimwe dzichifa murwendo rwekuendako, uyewo zvimwe zvibhorani zvedu zvaoma,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nenzara nenyota, mhuka dzinoita hukasha hwakanyanya zvekuti dzikasangana nevanhu zvinoita kuti dzivarwise.

“Ikurudziro yedu kuti vanhu vakasangana nemhuka dzesango dzemhando dzose vasaedze kudzidenha kana kudzirwisa,” vanodaro VaFarawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey