Uncategorized

Mhuka nemidzimu…Dzimwe hadzivhunduke vanhu: Zinatha

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mhuka nemidzimu…Dzimwe hadzivhunduke vanhu: Zinatha Nyoka yendara

Kwayedza

Nyoka yendara

Nyoka yendara

MIDZIMU nemashavi pachivanhu zvinonzi zvinodyidzana zvikuru nemhuka dzesango sezvo kuine dzimwe mhuka dzinotonzi ndedzemasvikiro zvichitevera kupinduka kunonzi kunoita vamwe vanhu, zvikuru vanenge vafa vachipoterwa, vachiita mhuka.

Sekuru Elisha Mutanga (60) vekuUshewokunze muguta reHarare vanoti vamwe vanhu vane mashavi kana midzimu vanoti kana vakashaika vanopinduka kuita mhuka.

“Kune mhuka dzemusango dzakazvimirira koitawo mhuka dzemidzimu, idzo dzakatosiyana pamararamiro adzo nedzemusango. Mhuka idzi hadzitye vanhu, dzinotobatsira vanhu mukufamba kwavo kuti vasasangane netsaona kana njodzi,” vanodaro.

Vanoti mhuka dzinonyanya kudyidzanidzwa nemidzimu dzinosanganisira shumba, mhembwe, gudo nenyoka, zvikuru shato.

“Mhuka dzemidzimu idzi dzinonyanya kugara munzvimbo dzinoyera dzakaita semakomo, munzizi, mumapani uye kana imbwa chaidzo dzinotya kurwisana nadzo. Kune dzimwe nzvimbo unotonzwa zvichinzi iyi ishumba yasekuru nhingi kana kuti inyoka yambuya ngana kuchirehwa mazita evanhu vakashaika kare.

“Asi kazhinji mhuka idzi dzine zvadzinoreva kana ukasangana nadzo uyewo dzine ruvara rwakasiyana nedzimwe sekuti shumba inowanikwa iine ruvara rwakachenuruka kanawo nemakudo,” vanodaro.

Vamwe vanonzi vakaona mhuka idzi, zvikuru shumba, ikadarika mugwagwa vachienda rwendo vanotodzoka kumba vozofamba nekuti zvinenge zviine chirevo.

Mhembwe kana iri yemidzimu inonzi haitize imbwa, idzowo dzinotoitya.

“Vakuru vanoziva mhuka idzi kuti ndedzemidzimu vakadziona vanogara pasi votanga kuuchira nekupururudza. Mukadaro munoona kunyange iri shumba kana yanga yakarara inosimuka, yoenda uye zvinonzi zvinopa rombo rakanaka kusangana nemhuka dzemidzimu.”

Vanopa muenzaniso wekuChipinge kumusha kwavo, kwavanoti kune murume aida kupondwa apo shumba yakazongoerekana yasvika pamhondi idzi ikadzirwisa zvakabatsira kuti murume uyu apunyuke rufu.

“Kureva kuti shumba iyi yaiva yemidzimu wemunhu airwiswa uyu saka dzimwe nguva musati mukaona mhuka yose-yose mofunga kuti ndeyemusango,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti mhuka idzi dzinogona kupa mucherechedzo wezvinhu zvichauya, zvakanaka kana zvakaipa.

“Pane pamwe pekuti ukaona shumba chena ichibva kumadokero ichienda kumabvira zuva hakutadze kuitika rufu mushure memazuva mashoma.”

Mashoko aSekuru Mutanga anotsinhirwa naVaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha iro rinomirira vanachiremba vechivanhu.

“Mimwe midzimu kana ichisvika unonzwa ichibvunza vapenyu kuti makandiona here? Apo imi munenge makasangana negudo, shumba, mhembwe kana dzimwe mhuka. Dzimwe mhuka idzi hadzigare dzichionekwa nekuti dzinobuda pachena chete nekuda kwezvikonzero kana kuine zvakakanganiswa,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti mhuka dzesango dzinotiza vanhu asi dzemidzimu hadzivhunduke vanhu, vanogona kutoita dzekutonyenyeredza dzakavayeva.

“Mhuka dzemidzimu dzinonyanya kuonekwa mangwanani nezuva rodoka uyewo nekunge kuine mhute kana kuti kuchinaya,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>