Uncategorized

Miganhu yavhurwa kune vakabaiwa

16 Feb, 2022 - 14:02 0 Views
Miganhu yavhurwa  kune vakabaiwa Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

MIGANHU yeZimbabwe yose inopinda nekubuda nevanhu munyika yavhurwa kuvashanyi vakabaiwa nhomba dzekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 avo vanofanirwa kunge vaine magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa ndokuonekwa vasina denda iri.

Dare reCabinet rakawirirana nemusi weChipiri kuti miganhu iyi ivhurwe.

Danho iri risati ratorwa, miganhu yenyika yaive yakavhurwa kune vanoita mabasa akadai semabhizimisi anoona nezvekufambiswa kwezvinhu.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti miganhu yenyika iri kuvhurwa kuvashanyi zvichitevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19.

“Nekuda kwekudzikira kuri kuramba kuchiita nyaya dzevanobatwa uye kufa nechirwere ichi munharaunda, miganhu yose inopinda nevanhu inofanirwa kuvhurwa uye pachitevedzwa matanho aripo ekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Vanhu vose vanopinda muZimbabwe vanofanirwa kunge vaine magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 vasati vasimuka kubva kunyika dzavanenge vachibva uye vakabaiwa nhomba zvizere. Avo vakabaiwa nhomba yechitatu (booster), zvinenge zvakanyanya kuvanakira,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvisinei nekudzikira kuri kuramba kuchiita vanhu vari kubatwa uye nekufa nechirwere ichi pazuva, mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 inofanirwa kutevedzwa zvizere nekuti denda iri richiriko.”

Zimbabwe iri kuburira mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro. Kubvira pakavhurwa zvikoro mwedzi uno, hapana mudzidzi ati abatwa nechirwere ichi apo murairidzi mumwe chete ndiye akawanikwa aine denda iri.

Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe ine mushonga unokwanirana wekubaya nhomba dzekudzivirira Covid-19 uye ndokukurudzira vasati vabaiwa kuti vabaiwe majekiseni aya.

Vanokurudzira zvakare veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yechitatu.

“Matunhu anofanirwa kutora mukana wekuvhurwa kwezvikoro kusimbaradza chirongwa chekubaiwa nhomba kune vane makore 16 okuberekwa zvichikwira,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vachitaura pamusoro penyaya yemamiriro ezvinhu muzvikoro, Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet yakaratidza kushushikana nevamwe varairidzi vasiri kuenda kubasa.

“Chimwe chiri kunyanya kushungurudza kurambidzwa kunonzi kuri kuitwa mamwe maticha kuti vasaende kubasa uye nekuenda kubasa asi vasingazodzidzisa.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaudzwa kuti ritore matanho akasimba mushure mekuita nhaurirano nasachigaro wePublic Service Commission uye bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina nerevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya.

“Gwaro remashoko akakodzera richabuditswa nebazi iri pamusoro penyaya iyi munguva pfupi iri kutevera. Cabinet inoda kurumbidza zvakanyanya varairidzi vari kuramba vachita basa ravo nemazvo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>