Uncategorized

Mimosa yakabatsira Chitungwiza Hospital

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

KAMBANI yeMimosa Mine yakapa rubatsiro rwe$30 000 kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital iyo ichashandiswa mukuvandudza zvivakwa pachipatara chikuru ichi.

Vachitaura pachiitiko ichi, pazuva rekupedza zvidzidzo kwevakoti nananyamukuta 240 nguva pfupi yadarika, sachigaro weMimosa Mine, VaWinston Chitando, vakati kambani yavo ine chishuwo chekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

“Tiri kupa mari iyi, $30 000, yekuvandudza chipatara ichi kunzvimbo inorapirwa varwere. Hakasi kekutanga kubatsira zvipatara. Takavamba kare kubatsira muzvipatara uye donzvo redu nderekuvandudza nyaya dzeutano munyika,” vakadaro VaChitando.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vakarumbidza vakoti pamwe navananyamukuta vakapedza zvidzidzo zvavo vachiti chishuwo chavo ndechekuti vachaita basa ravo nemazvo.

“Mapedza zvidzidzo kuratidza kuti makunda uye mave neruzivo rwezvamakadzidziswa. Donzvo ravepo nderekunovandudza utano muzvipatara nemakirinika kwamave kuenda,” vakadaro Dr Moyo.

Vakakurudzira vakoti nananyamukuta ava kuti vave neshungu dzekuenderera mberi nezvidzidzo zvakananga kuvandudza ruzivo mubasa ravo.

“Rambai makadaro muchienderera mberi nekuvandudza dzidzo yamatanga zvinova zvakare zvinovandudzawo nyaya dzeutano munyika,” vakadaro Dr Moyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>