Uncategorized

‘Misai moto wesango’

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
‘Misai moto wesango’ Cde Ndlovu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE iri kutarisira kuti kupiswa kwemasango kuchaderera nechikamu che25 percent mwaka uno izvo zvinozorerutsa dambudziko ragara richisanganikwa naro gore negore iri.

Kuchengetedzwa kwemasango kunoramba kuri donzvo guru renyika sezvo kuri mumagwaro emitemo (Fire Management National Policy) nokudaro ibasa reHurumende nevamwe vatsigiri kuti patorwe matanho ekuderedza moto wesango.

Bazi rinoona nezvenharaunda, mamiriro ekunze nekushanya riri kukumbira kune veruzhinji kuti vatevedze matanho anodiwa panguva iyo nyika yatarisana nemwaka unowanzoitika moto wesango.

Mwaka wemoto wesango unotanga mumwedzi waChikunguru uchipera munaGumiguru. Svondo rezvemoto wesango — National Fire Week — rinocherechedzwa musvondo repiri remwedzi waChivabvu.

Chirongwa cheNational Fire Week chiripo kuparidza mashoko echenjedzo kune veruzhinji maringe nekudzivirira moto wesango.

Gore rino, chirongwa ichi chakaparurwa pasi pedingindira rinoti, “Kuchengetedza Zviwanikwa — Dzivirira Moto Wesango”.

Zimbabwe yagara inotambudzwa nemoto wesango.

Gore rapera, vanhu vana vakarasikirwa neupenyu pamwe chete nemidziyo inokosha $5,2 miriyoni nekuda kwemoto wesango.

Mugore ra2019, mahekita 1 158 291,57 enyika ino akaparadzwa nemoto wesango zvakare.

Vachiparura chirongwa cheNational Fire Week kumahofisi avo muguta reHarare, gurukota rezvenharaunda, mamiriro ekunze nezvekushanya, VaMangliso Ndlovu, vanoti kuderera kwemoto wesango kunokwanisa kuvapo bedzi kana nyika ikaita mushandirapamwe wekutevedza matanho anofanira kutorwa mukudzivirira dambudziko iri.

Vanokurudzira varimi, madzishe nemasabhuku uye vanoona nezvemutemo kuti vaite basa nemazvo senzira yekurwisa moto wesango.

“Zvinoda vanhu vane mweya mumwe chete kuti tikwanise kurwisa moto wesango nekuchengetedza zviwanikwa zvedu. Moto wesango unoparadza zvirimwa, zvivakwa nezvipuka zvinorarama pasi.

“Kunyagwe munguva ino yatiri kurwisana nechirwere cheCovid-19, tinofanira kurwisa moto wesango kuti tikwanise kupedza nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze idzo dzinounzwa nekuparadzwa kwemasango zvichiita kuti vanhu vakundukane kuwana mweya wakachena wekufema,” vanodaro.

Vanokurudzira varimi kuti vagadzire miganhu inoita kuti moto wesango usapararire kana uchinge watanga (fire guards).

“Tinokurudzira varimi kuti vagadzire mafire guards uye ibasa remunhu wose kudzimura moto wesango waanenge asangana nawo zvisinei nekuti watangwa nani. Tine zvirongwa zvekufundisa veruzhinji pamusoro pekudzimurwa kwemoto wesango kubva kunyanzvi nomusi wa30 Chikunguru. Tinokurudzira mapurisa, sangano reEnvironmental Management Agency nevatungamiriri venharaunda kuti vashande pamwe mukurwisa moto wesango, zvikuru kuti vanotanga moto iyi vasungwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>