Uncategorized

Misangano ikawandisa inouraya basa

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Misangano ikawandisa inouraya basa

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KUITA misangano kwakanaka zvikuru nokuti kunobatsira vanhu kuziva zvatinofanira kuita pabasa, uye kuziva kuti ndiani achaita basa ripi, nguva dzipi kuti zvinangwa zvedu zvibudirire mumusha, mukambani kana munyika.

Dambudziko rinozouya chete nderekuti misangano ikazowandisa, vanhu vanozoshaya nguva yekushanda basa kuti vazobata zvinangwa zvavo. Vanenge votoita misangano ndiyo zvinangwa zvacho.

Dai vakuru vemakambani nemamwe mapazi ehurumende zvikuru vakabata izvi zvokuti basa rifambe, handi misangano isingapere chete. Kana taitawo musangano, ngatichionaka kuti zvatasunga zvaitwa.

Zvino kuti tione kuti zvisungo izvi zvaitwa nemazvo, zvinoda isu vakuru vacho tisvike panzvimbo tichiona kufamba kwebasa.

Vakuru vazhinji vanomirira kuona mareports kuti vagutsikane kuti basa raitwa here chokwadi. Hongu mareports akanaka, asi chakanyanya kunaka ndechekuona kuitwa kwebasa.

Vakuru vazhinji vanonyeperwa nemareports achiti tapedza izvi nezvozvo asi pasina kana chaitwa. Kune vanhu vasvinukisa chaizvo mazuva ano. Vanonyora mareports akanakisa chose ekufadza vakuru vavowo vasingasvike panzvimbo kuti vaone kuti basa riri kufamba zvakanaka here.

Nokudaro, vakuru ava vanoita basa ravo zvavo risina chekuita nezvavari kubhadharirwa nekambani, asi vonyora mareports emhando yepamusoro ane madimikira nenyaudzosingwi dzechirungu chinotapira zvekuti vanamuzvinakambani vanoti hauchionazve kuti ndiko kunonzi kushanda uku. Vanhu ava vobva vakwiridzirwa pamabasa nenyaya yemareports emanyepo aya.

Zvino ndekupiwo kwamakamboona nyaudzosingwi dzichipundutsa musha, kambani kana nyika? Mwoyo wangu unorwadza ndichiona vanhu vakapihwa mabasa ekutungamira vamwe vachiita sezvizvi zvekuuraya misha yavo, kambani dzavo pamwe nenyika yavo vasinganzwe kurwadziwa mwoyo asi vachizvifunga ivo pachavo chete vachitevedza misangano nemaworkshop asina zvabudamo.

Zvimwe zvacho zvakambosungwa, zvichisunungurwa, asi mari yabudapo ichirasika pasina ane hanya nazvo.

Ko makambani anobhadharira vanhu misangano nemaworkshop here, kana anobhadharira vanhu zvinobatika nekupundutsa kambani neupenyu hwevanhu? Ngatinyarewo isu vakuru vemisha, makambani nemapazi ehurumende kupedza mari yeruzhinji mumisangano nemaworkshop asingapere pasina chabudamo.

CHENJEDZO
Zvinofadza sei kutaurira mazera achauya shure kwedu kuti panguva yangu ndiri pabasa ndakaita ichi nechocho kuti musha wedu, kambani yedu kana nyika yedu ibudirire.

Asi zvinonyadzisawo sei kunzwa uchirehwa nevanhu kuti hapana nhaka yawakasiirawo musha, kambani kana nyika yako kunze kwekupaza zvishoma zvawakawana zviripo iwe usati wavepo? Zvino dare rino harinete kutaura kuti ngatisiyeiwo nhaka yatichazivikanwa nayo nevachatevera shure kwedu. Tingabva tatoshaya kana chimwe chete chatinganongedzerewo here kumazera achauya shure kwedu. Ngatiregeyi kuita zera redu chiseko nekuridzirwa tsamwa nemazera achauya kuti taiva zera rembavha dzisineyi nepundutso yekugadzirira zvakanaka kumazera anotevera.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey