‘Mishonga yemaarv haifanire kushaikwa’

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
‘Mishonga yemaarv haifanire kushaikwa’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinoona nezvemachiremba pasi rose, reDoctors Without Borders/M’edecins Sans Frontie’res (MSF), rinoti mishonga yema”anti-retroviral drugs” (ARV) inofanira kunge ichiwanikwa yakakwana munyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa kuitira kuti vari kurarama neutachiona hweHIV vange vachibatsirikana.

Mashoko aya akataurwa muHarare naMuzvare Tinne Gils, vanove MSF Regional Pharmacist kuvatori venhau apo muZimbabwe muri kuitirwa musangano weICASA.

Vanoti zvinorwadza kuti munhu anorarama neutachiona hweHIV awanikwe achikundikana kuwana mishonga yakaita semaARV nenguva. “Hazvifadzi kuti murwere anosvika pachipatara oudzwa kuti mishonga yakapera. Zvinoita kuti ashaye tariro neupenyu uye mishonga iyoyo haizomushandiri zvakanaka kana akapota achimbodarika mukuisevenzesa. Paongororo yatakaita munyika dzinoti South Africa, Mozambique, Malawi neDRC takaona kuti maARV anomboshaikwa muzvipatara nemuzvitoro zvemishonga nekuda kwekusaunzwa kwayo yakawanda zvichikonzerwa nekushaikwa kwezvekushandisa,” vanodaro.

Muzvare Gils vanoti ongororo yavakaita munyika yeSouth Africa mukati memakore maviri adarika vakaona kuti chikamu che20-25% chezvipatara zveko zviri kukundikana kuwanisa vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV mishonga yemaARV neyechirwere cherurindi (TB).
Vanoti nyika yeMalawi bedzi ndiyo iri kukwanisa kuwanisa vanhu vayo mishonga iyi pasina dambudziko zvinoreva kuti inogona kuwanikwawo kunyangwe kumaruwa kwakasaririra.

“Kana tikashanda pamwe neHurumende uye vatsigiri vepasi rose, tinoona nyika dzichikwanisa kuwaniswa mishonga yeHIV neTB yakakwana. Somuenzaniso, kunyika yeSouth Africa neMozambique vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vakatotangisa kuita chirongwa chekumema muzvipatara, makirinika nemuzvitoro zvemishonga kuti vaone kuti mishonga yavo irimo yakakwana here.”

Musangano weICASA uyu wakavhurwa zviri pamutemo nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Emmerson Mnangagwa.
Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakatambira vaenzi vakauya munyika muno nemufaro vachiti zvakakodzera kuti Africa ipedze dambudziko reHIV neAIDS mugore ra2030.

Regional Director weUnicef, Dr Matshidiso Moeti, vakakurudzirawo veruzhinji kuti vaende kunovhenekwa utachiona hweHIV kuitira kuti vazive pavamire izvo zvinoita kuti vave neremangwana rakajeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey