Mitambo ye P S L yatsvuka ropa

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Mitambo ye P S L  yatsvuka ropa

Kwayedza

ZVIKWATA zvenhabvu zvitatu zvinoti FC Platinum, CAPS United neHighlanders FC svondo rino zvine makomo makuru ekukwira apo zvicharwira kuti zvirambe zviri murwendo rwekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.Zvikwata zvitatu izvi zviri kufemerana mugotsi sezvo zvakangosiyana nechibodzwa chimwe chete, chimwe chete.

Mukombe wePSL wangosarira mumawoko ezvikwata izvi uye chinongorasa mukana wacho chete chinobva chatosara zvachose.

FC Platinum, iyo yatungamira palog kwenguva ndefu, svondo rino ichange iri pamusha apo ichasangana neDynamos FC. KuDeMbare morari wechikwata pamwe nevatsigiri wakadzikira zvikuru zvichitevera kuburitswa kwayakaitwa mumutambo weChibuku Super Cup neHow Mine svondo radarika. Basa remurairidzi weDynamos, Lloyd Mutasa, riri patambo zvichitevera kusatamba zvakanaka kwechikwata ichi uye mutevedzeri wake, Murape Murape, akadzingwa basa svondo rino neChipiri.

Zvakadaro, Platinum ikarivara chete rwendo runo inogona kuzvishaya pamberi pevatsigiri vayo kuMandava Stadium sezvo DeMbare ichapinda mumutambo uyu ichida kutsividza kukundwa kwayange ichiitwa nguva pfupi yadarika.

CAPS United vs How Mine

Fungidziro yevatsigiri veKepe-kepe vazhinji ndeyekuti chikwata ichi hachina kutamba zvinonwisa mvura mumutambo weChibuku Super Cup. Asi, chokwadi ndechekuti pasvika mwaka iye zvino bhora rave kuremera zvikwata zvose.

Kepe-kepe iri kurwira mukombe weligi uyo wayakapedzisira kuhwina mugore ra2006 apo payairairidzwa naCharles Muhlauri.

Svondo rino ichange iri pamusha apo ichasangana neHow Mine.

Highlanders vs Ngezi Platinum

Mushure mekunge Bosso yambodzikira matambiro ayo, yakamuka chibhebhenenga nguva pfupi yadarika apo yakakunda DeMbare 2-1 kuBabourfields Stadium.

Chikwata chaElroy Akbay svondo rino chichange chiri pamusha apo chichatatsurana neNgezi Platinum Stars iyo iri kurairidzwa naTonderai Ndiraya.

Gore rino rinogona kuve reBosso asi hunge ikakwanisa kuhwina mitambo yayo yose yasara.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, Chicken Inn iri kunanga kuTriangle nemusi weSvondo uko ichanosangana neTraingle United kunhandare yeGibbo. Vatsigiri vazhinji vaitarisira zvikuru kubva kumaGamecocks, sezita remadunhurirwa reChicken Inn, sezvo iriyo yakatora mukombe uyu gore radarika asi mwaka uno chikwata ichi chiri kutatarika zvikuru.

Mitambo

Mugovera

Chapungu FC vs Bulawayo City FC – Ascot Stadium 1500hrs

FC Platinum vs Dynamos FC – Mandava Stadium 1500hrs

Svondo

            Highlanders FC vs Ngezi Platinum FC – Barbourfields Stadium 1500hrs

Hwange FC Vs Border Strikers FC – Colliery Stadium 1500hrs

CAPS United FC Vs How Mine FC – National Sports Stadium 1500hrs

Mutare City Rovers FC Vs ZPC Kariba FC – Sakubva Stadium 1500hrs

Triangle United FC Vs Chicken Inn FC – Gibbo Stadium 1500hrs

                  Muvhuro

Tsholotsho FC Vs Harare City FC – Luveve Stadium 1500hrs SS

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>