MoneyMaker : Kudiridzira nyore

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
MoneyMaker : Kudiridzira nyore

Kwayedza

VARIMI vefodya vari kukurudzirwa kushandisa madiridziro emhando yeMoneyMaker Irrigation Manual Pumps nekuti ari nyore kushandisa uye haadhure sezvo pasingadiwe magetsi, dhiziri kana peturu.

Kudiridza zvirimwa nemichina iyi kuri nyore zvikuru nekuti panongoda munhu mumwe chete kana vaviri sezvo pachishandiswa simba remakumbo.

Mukuru wekambani yeMoneyMaker iyo inoshanda yakabatana neKickStart Irrigation Manual Pumps, VaBrian Vere, vanotsangangura nezvemarimirwo enhondo dzefodya pachishandisa midziyo yeMoneyMaker Irrigation Manual Pumps.

Mubhedha wenhondo idzi unofanira kuve panzvimbo iri pedyo nemvura, muivhu rakanaka, panzvimbo isingatonhore, pasina mumvuri uye pasina kunyanya kuterama.

Mvura inoshandiswa inofanirwa kuve yakanaka iine P.H inoita 6.5.

Murimi anofanirwa kurima muna Kubvumbi achidzikisa gejo kusvika pa30cm osiya munda wakachena.

Mwayai mbeu yefodya nomusi wa1 Chikumi kana muchida kusima musi wa1 Gunyana muchishandisa mapepa epurasitiki kudzivirira mbeu dzenyu uye munofanira kumwaya mishonga inouraya zvipembenene kana muchida kusima kupera kwemwedzi waMbudzi.

Sarudzai rudzi rwembeu inoenderana nenzvimbo yamuri uye muchiona kuti inoibva sei, ingaburitse goho rakaita sei uye pazvirwere yakamira sei.

Tsvagai ruzivo kune varimisi vari munharaunda yamunogara.

Kurudziro yekuisa mushonga pasi unouraya sora, netupukanaka tunokonzera zvirwere ndeye kuti pasave nekurasikirwa negoho pamwe nemari yakawanda.

Mihomba inofanira kuve yakapamhamha zvekusvika 1,2 x30m uye mitatu inokwana kusima hekita rimwe chete.

Fetereza yepasi inofanirwa kuiswa 1kg panzvimbo inoita 7-11 square metres, murimi achive nechokwadi kuti yapinda muvhu.

Fetereza yepamusoro inoenderana nemaonero emurimi, zvichienderana nekuti nhondo dzakamira sei.

Nhondo dzinofanira kuita 400-500 square metres.

Munofanirwa kumwaya mbeu inoita 2g pamuhomba, moisa huswa kuitira kuti kana mbeu dzenyu dzamera mowedzera mvura inenge ichidiwa muchishandisa nzira yemadiridziro isingadhure yeMoneyMaker Irrigation Manual Pumps.

“Kumurimi wefodya tinoti unofanira kunyima mvura kwemasvondo maviri wave kuda kudyara nhondo dzako uye onawo kuti zvaunoda kushandisa zvose zvakachena nekutarisa kuti mbesa dzako hadzina zvirwere.

Shandisai mushonga weBravo neCopper pasvondo rega-rega kubva pasvondo rechitanhatu zvichikwira,” vanodaro VaVere.

Mubhedha wenhondo dzefodya vanoti unofanira kudiridzwa kaviri kana katatu pazuva.

Muchina weMoneyMaker Irrigation Pumps wakakoshera murimi wose angave kumaruwa, vakagariswa patsva, kumapurazi kana mumaguta chaimo.

Muchina uyu unokwanisa kushandiswa kudhonza mvura kubva mumadhamu kana muhova ichienda kumunda uye murimi anogona kudiridza kwemamita 45 kana kudarika zvichienderana nehurefu hwepombi inenge iri kushandiswa.

Murimi anokwanisawo kuwanisa zvipfuyo zvake zvakadai semombe, mbudzi, hwai nehuku mvura yekunwa pane kuti zvinge zvichichifamba nzendo ndefu kutsvaka mvura.

Muchina uyu kana uchinge wafa uri nyore kugadzira zvekuti haudi kuhaya vanougadzira nokudaro haudhurire murimi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey