Mota ngaitakure zvine mwero: tscz

04 Mar, 2016 - 03:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VATYAIRI vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatakure vanhu zviri pamwero nechinangwa chekudzivirira tsaona dzemumigwagwa sezvo motokari imwe neimwe iine huremu hwainofanira kutakura. Kurudziro iyi yakaitwa naVaErnest Muchena, vanova mukushi wemashoko kukanzuru inoona nezvekudzivirirwa kwetsaona mumigwagwa, yeTraffic Safety Council of Zimbabwe.

VaMuchena vanoti motokari imwe neimwe ine huremu hwayo hwayakagadzirwa nahwo (Net Vehicle Mass) kuchizoti huremu hwezvinhu zvayakakodzera kutakura (Gross Vehicle Mass).

“Imhosva huru kuti vatyairi vawanikwe vakatakura zvinhu kana vanhu vakawandisa nekuti kupfurikidza mwero unofanirwa kutakurwa nemotokari kunomutsa matambudziko akaita setsaona apo motokari inogona kuputika matayi vanhu vorasikirwa neupenyu kana kukuvara.

“Chimudhiraivho zvakare chinotadza kufambiswa zvakanaka nekuda kwekuremerwa, simbi dzemukati (springs) dzinotyoka panguva iyo motokari inopinda munzvimbo dzine makomba-makomba kana magidhi-gidhi.

“Motokari ikaremerwa inoderera nechekumashure apo kumberi kunenge kwakakwirira izvo zvinoita kuti dzimwe nguva kufambiswa kwemagetsi ayo kukanganisike nekudaro mwenje unogona kudzima kana kusavheneka zvakanaka izvo zvinovhiringa vamwe vatyairi zvichikonzera tsaona,” vanodaro VaMuchena.

Vanoti zvakakosha zvakare kuti vafambi vasunge mabhande, zvikuru vanenge vagere kumberi mumotokari.

“Mutyairi nemufambi wekumberi vanosungirwa kuti vange vakasunga mabhande uye kumashure kana mabhande ariko anofanira kusungwa zvakare. Anobatwa asina kusunga mabhande anozvibhadharira faindi.

“Mabhande anobatsira kuti kana kukaita tsaona vanhu havarasirwe panze pemotokari zvinova zvinoderedza kukuvara kana rufu.”

Vana vari pasi pemakore gumi okuberekwa, vanodaro VaMuchena, havatenderwi kugara kumberi mumotokari nekuti zvine njodzi kwavari uye imhosva.

“Vana vari pasi pemakore gumi kana vakagadzikwa nechekumberi mumotokari havakwanise kusungwa nebhandi nekuda kwezera ravo. Bhandi rinetenge riri nechemumusoro pachinzvimbo chekuti ribate pachipfuva.

“Zvakare mabhegi emweya ekudzivirira munhu mutsaona anenge ari mumotokari (air bags) kana akazaruka munguva yetsaona havakwanisi kuti vange vachibatsirikana nekuti anovaputira kumeso zvinoita kuti vakundikane kufema zvakanaka. Tinokurudzira kuti vana vagariswe kumashure,” vanodaro.

Vanoti kana muri mumotokari dzakashama kumashure (pick-up), vana vanofanira kugariswa ikoko asi vaine mutariri anenge ari munhu abva zera.

“Kana pachinge paita dambudziko, zviya zvekuti munhu anoti ari kurwara haakwanise kana kusunga bhande, anofanira kunge aine gwaro rekwachiremba rinenge rakazadzikiswa nebazi rinoona nezvekufamba. Vanhu vanotenderwa kunge vasingasunge mabhandi vashandi vakaita sevanodzima moto, vemaamburenzi, mapurisa ekanzuru, mapurisa nemauto asi hunge vari kubata mabasa eHurumende vari mumotokari dzebasa uye vari pachirongwa chinotenderwa kuita izvi nekuti dzimwe dzenguva zvinenge zvichida chimbi-chimbi.”

Motokari dzakashama kumashure, vanoti dzinogara mutyairi nemumhu mumwe chete kumberi uye vanhu vanomwe kumashure asi vari vemhuri uye havafaniri kunge vari vanhu vanobhadhariswa mari.

“Kana ari makombi (Toyota Hiace) anofanira kutakura vanhu 15 bedzi. Vanenge vakati vanhu vana kumashure-shure, kuchitevera vatatu pakati, vamwe vatatu pachigaro chinotevera uye vatatu nechekumberi nemutyairi nevanhu vaviri kumberi.

“Hatitenderi vanhu kuti vagare paye panonzi pa’Kadoma’ nekuti imhosva. Kana ari marori anofanira kutakura vashandi bedzi vari pabasa,” vanotsanangudza.

VaMuchena vanoti kana ari marori anotakura zvakaita sejecha anofanira kutakura huremu kwakakodzera uye jecha racho rakavharwa nepurasitiki kuitira kuti risanaiwe nemvura inova inowedzera huremu.

“Vashandi veVehicle Inspection Department (VID) vane kodzero yekutora motokari vachinoongorora nekuyera huremu hwezvinhu zvinenge zvakatakurwa,” vanodaro VaMuchena.

Vanotiwo vana vari pasi pemakore gumi okuberekwa vanoverengwa semunhu mumwe chete mumotokari nekudaro kuwandisa kwavo kunogona kutorwa semhosva.

“Imhosvawo kusanganisa vanhu nemidziyo nekuti kazhinji panoita tsaona vamwe vanokuvadzwa nemidziyo inenge yakarongerwa mungave mukombi kana mubhazi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey