Mourinho ngaasadzingwa: Ferguson

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views
Mourinho ngaasadzingwa: Ferguson

Kwayedza

SIR Alex Ferguson anoti Chelsea inenge yakanganisa zvikuru kana ikadzinga Jose Mourinho basa uyo waakati mumwe wevarairidzi venhabvu vemhando yepamusoro.

Kukundwa kwakaitwa Chelsea neBournemouth svondo radarika kanga kari kechi8 mwaka uno muPremier League kweshasha dzine mukombe uyu izvo zvakabva zvavadzosera kumashure panguva yavange vave kutamba zvinonwisa mvura.

Pane nyaya yakabuda mubepanhau reThe Times inoti Mourinho achadzingwa basa kana akakundwa svondo rino uye kana chikwata chake chikakundikana kubudirira kufambira mberi mumutambo weChampions League, kunyangwe hazvo akambonzi haambodzingwe basa nebhodhi reChelsea.

Vakange vakanganisa zvisingaite, sekutaura kwaFeguson uyo akambosangana nechizvarwa chekuPortugal ichi apo airaridza Manchester United.

“Roman Abramovich akadzinga varairidzi vakawanda mumakore 10 adarika zvekuti zvimwe adzidza nazvo. Anofanirwa kuvimba naJose kuti achagadzirisa pari kunetsa.

“Hapana zvazvinobatsira kana akadzinga murairidzi anogona saMourinho. Akahwina mukombe wemuEurope kaviri, akahwina mikombe yeligi munyika dzose dzaakarairidza nhabvu, akahwina mikombe mihombe yega,” akadaro.

Mourinho mwaka uno ange achingonetsana nevaridzi vepembe, izvo zvakazomuona imwe nguva achitemerwa zvirango zvakusapinda munhandare kuzoona chikwata chake chichitamba muna Mbudzi.

Asi Ferguson anoti muchinda uyu agadzirisa pange pachinetsa muchikwata chake uye ave pedyo kusimudza mwaka weChelsea.

Achitaura ari kumabiko eTechCrunch Disrupt ayo akaitirwa kuLondon, akati, “Ndange ndiri kuona Jose nguva pfupi yadarika uye ndikataura naye pane dzimwe nguva. Ino ndiyo nguva yekutanga paasangana nenguva akadai apo chikwata chake chinenge chisiri kuhwina.

“Kana ukatarisa kubva paakatanga kurairidza nhabvu kwange kuri kungosimuka munhabvu chete. Saka izvi ndezvekutanga zvaari kusangana nazvo kuona chikwata chake chisingahwine uye kushorwa nemapepanhau. Asi pane chiedza chinorakidza kuti chikwata chake chave kusimuka kudzokera pamusoro kunyangwe hacho chakakundwa svondo radarika. — Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey