Uncategorized

Mubairo wekuruta

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

NHOMBA yekuda nyama yakaparira murume wekupurazi reGilstone Farm, kuBeatrice, uyo akabatwa nemhosva nedare yekuuraya nguruve yemusangano kana kuti njiri inokosha US$3 000 ndokutongerwa kubvisa faindi uye kukundikana kwake anonopika jeri.Stanley Nyambangwe (26) akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekuuraya mhuka zvisina mvumo pasi pemutemo weUnlawful Killing of Wild Animals Section 59 (2) of Parks and Wildlife Act (Chapter 20:14).

Mutongi wedare iri, Blessing Murwisi akamupa chirango chekubvisa faindi yeUS$200 ndokuti kukundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Pamusoro peizvi, akati abvise US$100 semuripo kuParks and Wildlife Management Authority musi wa30 Zvita usati wasvika.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa15 Mbudzi munguva dzemangwanani, mapurisa anoti Chamunorwa Rupfuta naConstable Gift Matika vakawanikidza Nyambangwe aine museve, kabadza uye nguruve yemusango iyo yaakange auraya.

Vakabva vamusunga ndokumuendesa kukamba yemapurisa yekuBeatrice uye njiri iyi nemidziyo yaakashandisa mukuiuraya zvakaburitswa mudare seumboo.

Nyambagwe haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake.

“Ndinobvuma kuti ndakauraya nguruve iyi,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>