muchandiguta: songani

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
muchandiguta: songani Silas Songani

Kwayedza

Silas Songani

Silas Songani

‘Mirai muone muEuropa’

 ‘KuAfcon ndiri kuzoenda’

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neSonderjyske yekuDenmark, Silas Songani, anoti zvikwata zvemuEurope zvichamuona mwaka unotevera apo chikwata chake chichakwikwidza mumitambo yeEUFA Europa League. Songani achaita mutambi wechitatu kubva muZimbabwe kutamba mumitambo mikuru yekuEurope uye anotevera matsimba evamwe vakaita saNorman Mapeza uyo akatambira Galatasaray yekuTurkey naCosta Nhamoinesu anotambira Sparta Prague yekuCzech Republic.

Marvellous Nakamba weVitesse mwaka wadarika chikwata chake chakamborwira kupinda mumitambo iyi asi chakazokundikana kuenderera mberi ndokuburitswa.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Songani anoti haasi kugona nekufara zvichitevera kuwaniswa kwaakaitwa mukana uyo waanoti uchamubatsira kuti afambire mberi mumutambo wenhabvu.

Songani akanetsa mugore ra2014 achiri kuchikwata chemuno cheHarare City apo akapotsa nepadiki ahwina mubairo mukuru weSoccer Star of the Year uyo wakazohwapurwa naTawanda Muparati aitambira Dynamos. Zvisinei, mugore iri, Songani akazovhoterwa kuve Player of the Season kuHarare City.

Pakupera kwemwaka uyu ndipo paakaenda kunotambira Sonderjyske uko kwaari nanhasi.

Songani anoti chishuwo chemutambi wose wenhabvu kutamba mumitambo yepamusoro sezvaachaita apo Sonderjyske ichakwikwidza muEuropa League.

Chikwata chake chinogona kusangana nezvimwe zvakaita seManchester United, Southampton neWest Ham United zvekuEngland kozoti Schalke 04 yekuGermany kana neAthletic Bilbao, Celta Virgo neMalaga dzekuSpain.

Mumitambo iyi, Songani anogona zvakare kusanganawo nevatambi vakawanda vane mukurumbira vakaita saWayne Rooney wekuEngland anotambira Man United.

“Handisi kugona nekufara. Mutambi wose wenhabvu kana uchikura uchiona mitambo yeChampions League neEuropa League unenge uchingoshuvirawo kuti rimwe remazuva ndinoda kuzokwikwidza mumitambo iyi sezvandave kuita.

“Chinodadisa zvakanyanya ndechekuti ndichave wechitatu kubva muZimbabwe kukwikwidza mumitambo iyi uye ndinoda kusvika kure. Zvikafamba zvakanaka ndozohwinawo mukombe wacho, kunyangwe hangu ndichiziva kuti hauhwinike nyore.

“Asi ndinovimba kuti kutamba mumutambo uyu kuchandibatsira kuti ndionekwe nezvimwe zvikwata zvihombe zvemuEurope,” anodaro Songani.

Muchinda uyu mumwe wevatambi vasina kushevedzwa nemurairidzi wemaWarriors, Callisto Pasuwa, kuzotamba mumitambo yekurwira kuenda kunokwikwidza kuAfcon gore rinotevera.

Asi, anoti apo achange achitamba muEuropa achatamba seakasvikirwa kuti aratidze Pasuwa kuti anokodzera kunge ari mundege ichaenda kuAfcon, kuGabon.

Mwaka wenhabvu uchangodarika wekuEurope wave kunopera, Songani akange ave kusawana mikana yakawanda kuchikwata chake sezvo aigariswa pabhenji.

Zvisinei, anoti izvi handizvo zvakakonzeresa Pasuwa kuti asamushevedze kuchikwata chemaWarriors.

Muchinda uyu aive kunhandare yeNational Sports Stadium apo maWarriors akakwapaidza Malawi 3-0 nguva pfupi yadarika.

“Hapana mutambi anotaura kuti haadi kutambira nyika yake. Ini ndakangomirira kunzwa kubva kuna Pasuwa kuti anondida here muchikwata chake chekuenda kuGabon gore rinotevera.

“Hatizive zvinoitika mumwedzi inotevera, zvinogona kumuka zvakashanduka saka ndinofanirwa kushanda zvakasimba mwaka unotevera kuti ndiratidze kuti ndinokodzera kuendawo kuGabon.

“Marvellous Nakamba chaiye akazongoshevedzwa mitambo miviri yekupedzisira iyo yaakatamba nhabvu inonwisa mvura. Saka mukana wangu wakavhurikawo, ndinongofanirwa kuzviratidza munhandare chete.”

Pari zvino Songani ari muZimbabwe apo ari kugadzirira kudzokera kuDenmark sezvo mwaka mutsva wenhabvu yeko uchatanga musi wa17 Chikunguru uye mutambo wechikwata chake wekutanga chichasangana neAGF Aarhus.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>