MUCHATIGUTA: NDIRAYA

26 Jan, 2024 - 00:01 0 Views
MUCHATIGUTA: NDIRAYA Tonderai Ndiraya

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weSimba Bhora FC – Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya – anoti mwaka wegore rino chikwata chake chicharwa semvumba muCastle Premiership umo chinotarisira kupedza chiri pakati pezvinenge zviri pamusoro-soro.

Simba Bhora yakapinda muPSL mwaka wadarika apo yakapedza iri pechi12 yakwanisa kuwana zvibodzwa 40 kubva pamitambo 34 yayakatamba.

Simba Bhora pari zvino yatenga vatambi 11 kubva kuzvikwata zvakasiyana izvo zvinorakidza kuti mwaka uno inoda kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Vatambi vayatenga vanosanganisira Walter Musona uyo akabva kuFC Platinum, Perfect Chikwende (FC Platinum), Junior Makunike (Dynamos) naTaimon Mvula (Dynamos).

Achitaura ari kuKariba uko Simba Bhora iri kuita gadziriro dzayo dzekutanga kwemwaka mutsva (pre-season), Stanza anoti ane basa guru raakatarisana naro. “Mwaka wadarika taishandira kuti tisabude muPSL tirambe tirimo izvo takakwanisa kuita saka mwaka uno shuviro yedu kuti tipedze tiri chimwe chezvikwata zviri pamusoro.

“Zvinhu zvatiri kushandira kuti zviitike uye tinoziva kuti tichazvikunda. Tinoda kuti zvimwe zvikwata zvizive kuti pazvinotamba nesu panenge pasina kumira mushe ndiko saka muri kuona kutenga kwatiri kuita vatambi vepamusoro vakaita sanaMusona naChikwende avo vakambohwina mikombe mizhinji.

“Kuuya kwavo kuchabatsira zvizhinji, vari kuuya vane pfungwa dzekuhwina mikombe izvo zvichabatsira kusimbisa chikwata chedu,” anodaro Stanza.

Stanza anoti basa raakatarisana naro kuSimba Bhora rinotoda makore matatu ekunyatsoumba chikwata chakasimba.

“Chikwata chitsva sechedu chikapinda muPSL chinotoda makore matatu chichinyatsoumbwa chichitsvaga vatambi chaivo vanozokwikwidza kurwira mikombe yakasiyana.

“Asi isu tinoziva hedu kuti mwaka uno kuri kunzi tawana mukana wekuhwina mikombe tinotoubatisisa nemaoko maviri,” anodaro.

Mwaka wadarika, wakapera Simba Bhora ichitambira kunhandare dzakasiyana sezvo nhandare yayo yeWadzanayi Stadium kuShamva yange isati yapera kuvandudzwa.

Stanza anoti ave chivimbo chikuru chekuti mwaka uno vachatambira munhandare yavo pamberi pevatsigiri kuShamva.

“Muhurukuro dzandakaita nemutungamiriri wechikwata chedu, Simba Ndoro, akativimbisa kuti mutambo wekutanga wemwaka wegore rino tiri kuzotambira pamusha pedu kuWadzanayi saka naizvozvo tine mufaro mukuru.

“Mwaka wadarika, takapedza tichishandisa nhandare dzevamwe asi gore rino zviri kushanduka, tinoda kuti anaDynamos nanaHighlanders vanzwe kubvunda vachiuya kuzotamba nesu kunhandare yedu nekuti chekutanga tinenge tichitambira pamusha pedu uye chechipiri vanenge vachitamba nevatambi vepamusoro vari muchikwata chedu vakaita sanaWalter Musona ivava,” anodaro.

Svondo rino, nderechipiri Simba Bhora iri kuKariba uko iri kuita gadziriro yakamirira kutanga kwemwaka mutsva wePSL.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey