Uncategorized

Mudzimai wemunhu chiname na’prophet’

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUKADZI wekuendesa murume wake kudare achiti anomurova pamwe nekumurambidza kuenda kuchechi akashaya pekupinda apo akanzi ane katsika kekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake izvo zvinoita kuti apedzisire ashaya chekuendesa kubasa.

Chenai Yahaya akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Henry Gwasa, anomurova pamwe nekumurambidza kuenda kuchechi.

“Changamire, baba ava vanondishungurudza zvakanyanya. Vanondirova, kundituka uye kundirambidza kuenda kuchechi kazhinji kacho asi vanoziva kuti ndinorwara, ndinoda kunamatirwa kuti ndipore – kunyanya zviya zvekunorarako havadi kutombozvinzwa,” anodaro Yahaya.

Gwasa anobva amugamha achiti Yahaya akaoma musoro uye haaterere nekuti anoendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini uye ane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro rake.

“Amai ava vanonyepa, havaterere zvandinotaura. Ane tsika yekusiya vana vedu vasikana vachinorara kumaraini achiti vanhu vekumba kwavanenge vaenda vanotya kurara voga. Vana ava vakura, ko vakawana zvinovawana ikoko anotii?

“Zvakare, amai ava vane tsika yekupa muporofita wekuchechi kwavo bhasikoro rangu ini ndosara ndisina chekuendesa kubasa. Ukavabvunza vototi ndave kuvanetsa,” anodaro Gwasa. Anoenderera mberi achiti haadi kuti Yahaya aende kuchechi munguva dzemanheru nekuti zvakawanda zvinoitikako.

“Ehe, kuchechi kwemanheru ndinovarambidza, zvakawanda zvave kuitika mazuva ano uye handichanyatsoziva kuti zvinenge zvichiri zvechechi here kana kuti kwete kuburikidza nenyaya yake yekupa muporofita bhasikoro rangu,” anodaro.

Yahaya anopikisana nemashoko ekuti anorega vanasikana vavo vachinorara kumaraini asi anotsinhira kuti anopa muporofita wekuchechi kwake bhasikoro remurume wake.

“Sezvo baba vachindirambidza kuenda kuchechi manheru, vanhu vekuchechi vanenge vachida kundinamatira kuti ndipore vanobva vatora vana kuti vanonamata navo,” anodaro Yahaya.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Yahaya gwaro redziviriro asi ndokuti mudzimai uyu arege katsika kake kekuendesa vanasikana vavo kuti vanorara kumaraini.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>