Uncategorized

Mukadzi akanditiza, apa ini ndinomuda

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Sekuru, ndine dambudziko rekuti mudzimai wangu akanditiza muna Chikunguru gore richangopera. Ndinozviziva kuti akafurirwa nehama dzake uye kubva ipapo iye neni hatisi kuonana asi ini ndichiri kumuda hangu. Ndaedza zvese kuenda sekumaporofita kuti adzoke asi zviri kuramba. Apa handina kana musikana wandiri kufambidzana naye. Ndoita sei?

 Mhinduro:
Ndine hurombo muzukuru kuti wakatizwa nemudzimai wako. Asi iwe unofanirwa kuzvipenenguva kuti uone chakaita kuti utizwe. Hongu, zvichida akafurirwa nehama dzake sekutaura kwako. Asika, handione kuti mudzimai agere zvakanaka pamurume wake angafurirwe kumusiya iye akazvibvuma. Kana mange makagarisana zvakanaka ndinoona kuti kana dai aifurirwa, airamba kana kuti aimboenda asi ozodzoka nekuti ainge ofunga kugarisana zvakanaka kwamange makaita.

Ichocho chinombori chii chakaita kuti abvume kufurirwa? Pamwe iwe waisamuchengeta zvakanaka, kumudzvanyirira semunhukadzi kana kugara uchimurova – vamwe varume munoshusha. Kana zviri izvo zvaiitika, mudzimai wako haana chikonzero chekuramba ainewe.

Asiwo zvimwe zvacho zvinokonzerwa nechivanhu. Zvichida iye mukadzi wako iyeyu ane twekwakewo seshavi rekusagara pamurume. Pamwe wakamutora ari pfambiwo kana kuti mukadzi wezvikwambo zvekumusha kwake saka zvakamutora kuti adzoke.

Iwewe wacho zvichida une chivanhu nekuti uri kuti hauna kana musikana kubva zvakaenda mudzimai wako. Zvichidawo wakagarwa nemweya wakaipa uyo unotoda kubviswa pauri. Ndiko kuti uwane musikana kana mumwe mudzimai wekufambidzana naye. Mweya uyu unouya nenzira dzakasiyana dzinoti ngozi yakasundirwa kwauri, zviredzwa, pamwe wakatuka amai, zvikwambo uye zvose izvi unozozvitsanangurirwa kana wanobatsirwa nenyanzvi mune zvechivanhu. Chaungatoita iwe kutanga watsvaga chiri kukonzeresa zvose izvi muchivanhu, kana wachiziva wochizvigadzirisa. Ukangoita izvozvi unoswera watove nemusikana wawava kufambidzana naye, mugotozoroorana muchizoita mhuri yenyu zvakanaka.

Tsvaga rubatsiro kunhengo dzeZinatha dzine magwaro ebasa muzukuru zvinopera izvi.

l Bvunza Kwayedza pa0775 421 949 / 0715 942183 / 0774132838

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Twitter: @sekuruelishamutanga

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>