Uncategorized

Mukadzi wekuchekereswa ava kupfuka

25 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Mukadzi wekuchekereswa ava kupfuka Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HUMHONDI hwakaitwa mugore ra2007 kumukadzi wekwaMambo Chimoyo, kwaMutoko hunonzi hwazofumurwa nemweya wemufi uyo wasvika kumwana wemakore 12 okuberekwa uyo akatungamirira mukuwanikwa kwemapfupa emushakabvu uyu.

Nyaya iyi inotevera kushaikwa kwakaitika mudzimai ainzi Elizabeth Chidamohwa (36) mugore ra2007 aibva mubhuku raNemurinda.

Mudzimai uyu anonzi aigara nemurume wake, Simbai Njanjanja.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti murume anonzi Sauro Chidamohwa uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa achibva mubhuku raBopoto, nemusi wa21 Mbudzi akaenda kumapurisa achinomhan’ara nyaya yekuwanikwa kwemapfupa emushakabvu uyu.

“Murume uyu akasvika kumapurisa achimhan’ara nyaya yekuti Elizabeth Chidamohwa akashaikwa mugore ra2007 nemusi wa9 Kukadzi anogona kunge akapondwa. Mudzimai uyu anonzi airwara nepfungwa achigara nemurume wake, Simbai Njanjanja.

“Vehukama panguva iyi vanonzi vakatsvaga mudzimai uyu vakamushaya, mugore ra2008 kwakazomhan’arwa nyaya yekuti vakashaya munhu,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nyaya iyi inonzi yakazofumurwa nemwana wemakore 12 ekuberekwa anonzi Joseph Njanjanja, anova mwana waSimbai Njanjanja waakaita nemunin’ina wemudzimai wake apo akabatwa nemweya wemufi.

“Nyaya iyi yakazofumuka pakabatwa mwana uyu nemweya wemufi uchitaura kuti aiva auraiwa naSimbai Njanjanja. Paibatwa mwana uyu nemweya wemufi, paiva naSauro Chidamohwa nerumwe ruzhinji rwemusha uyu.

“Mweya uyu unonzi wakataura kuti Elizabeth Chidamohwa akauraiwa naSimbai Njanjanja achinzi akabatsirana nemumwe anonzi Machivi anogarawo mumusha mumwe chete uyu vaine muzvinabhizimisi wemunzvimbo iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mwana uyu anonzi apo aive akapoterwa nemweya uyu, akatungamirira ruzhinji rwemusha uyu kurwizi rwaNemurinda munzvimbo iyi uko akanonongedzera mapfupa emufi uyu muguva risina kudzika ndokuwanikwa pasina dehenya remusoro kureva kuti musoro uyu wakachekwa pakapondwa mudzimai uyu.

“Mweya uyu unonzi wakataura kuti dehenya remusoro uyu rakachengetwa nemumwe muzvinabhizimisi wemunzvimbo iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nemusi wa9 Mbudzi, mapfupa emudzimai uyu akazotorwa mumahombekombe merwizi maaiva ndokunovigwa patsva munzvimbo iyi mushure mekunge aongororwa kuchipatara nemachiremba ndokuonekwa kuti aive emunhu.

Simbai Njanjanja anonzi akafa mugore ra2019 nekurwara.

“Pakabuda nyaya yekunzi mudzimai uyu akafa achiita zvekupondwa nemurume wake nemumwe anonzi Machivi zvichitaurwa nemweya wengozi, iye nyakunongedzwa uyu Machivi akabva atiza munzvimbo iyi uye haazi kuonekwa kuti abvunzwe nemapurisa nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nyaya iyi ichiri kuferefetwa.

Vane zvavanoziva nekuda kwenyaya iyi vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti 0775 372 080 kana 0772 844 744 votaura naInsp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>