Mukuru weica Sport akarikitwa nevatambi

04 Mar, 2016 - 03:03 0 Views
Mukuru weica Sport akarikitwa nevatambi

Kwayedza

Abel Ndooka
YAKAVE bata-murefu, bata-mupfupi svondo radarika paPlatinum Lounge, kuZvishavane apo technical director weICA Sport, Julius Chakupewa, akaitwa kanyama-kanyama neshasha dzakanetsa munhabvu dzemuno nedzekuZambia mushure mekunge akundikana kuvabhadhara mari yavainge vawirirana kuti vatambe nhabvu.

Sangano reICA Sport rakange raronga mutambo weZimbabwe Soccer Legends vs Zambia Soccer Legends uye raitarisira kuti kana wapera raizowana mari kubva pane inenge yabhadharwa nevanhu kupinda munhandare robva rabhadhara vatambi ava asi izvi hazvina kuzofamba sekuronga kwaraive raita.

Vatambi vaive pamutambo uyu vaisanganisira vanhukadzi nevanhurume vaimbove shasha dzenhabvu muZimbabwe neZambia.

Bvongamupopoto yakazotanga apo Chakupewa akazivisa zvikwata izvi kuti mari yavaitarisira kuti ichabuda kubva kunhandare yeMandava uko kwakatambirwa mutambo uyu yakatadza kukwana kuti abhadhare zvikwata izvi, izvo zvisina kufadza zvikwata zveZimbabwe neZambia sezvo vose vakange vave kuda kudzokera kudzimba dzavo.

Kune rimwe divi, vatyairi vemakombi vainge vahaiwa kuti vazotakura zvikwata izvi vaitodyawo magaka mambishi vachida mari yavo sezvo vaiti vakange vavimbiswa kuti vaizobhadharwa kana mutambo wapera.

Chakupewa akati mari yakange yaperera mukubhadhara mapurisa, varidzi vepembe, kutenga chikafu chakadyiwa nemunhu wose uye nekudira mafuta mumakombi aizotakura vanhu kuvadzosera kudzimba dzavo.

Akati akange asisina mari yekubhadhara vatambi ma$100 aakange akavavimbiswa kuti vachapihwa mutambo uyu wapera.

Chikwata cheZambia ndicho chakange chave kumuita kanyama-kanyama sezvo chaiti chinoda mari yekufambisa kuenda kuTriangle neyekunorara sezvo chaifanirwa kunotamba mutambo wehushamwari neTriangle United.

Chimwe chizvarwa chekuZambia chakabata Chakupewa nebhande rebhurukwa ndokumusimudza akamukandidzira pasi achipopota zvikuru achiti, “Shamwari unofunga kuti takapusa here? Zvino tichakurakidza kuti tiri vanhu vane hutsinye manje.”

Vatambi vakanetsa munhabvu vemuno vanoti Stewart Murisa naGeorge Nechironga ndivo vakazomira-mira kuti Chakupewa asarohwe nevechikwata chekuZambia ichi.

Dzimwe shasha dzakambonetsa munhabvu dzinosanganisira Murape Murape, Herbert Dick, Stewart Murisa nevamwe vose vaingopopota vachida mari dzavo kuti vakwanise kudzokera kudzimba dzavo.

Dick akati, “Mufana uyu itsotsi anofanirwa kusungwa, shuwa ungatsvage 1 miriyoni iwe uine dhora? Zvaanoda kuita izvi achiri mwana mudiki.”

Murape Murape akabva amuganha achiti, “Aya ndiwo mafanizi manje amuri kutiitira. Tasiya mabasa masvinu kuti tiuye kuno kuzoita matakanana iwaya?”

Mushure mekunge mhere-mhere iyi yaenderera mberi kwekanguva, mutungamiri weFC Platinum – Dumisani Sisale – ndiye akazopindira akabatsira ndokudira mafuta emotokari pamwe nemabhazi aive akatakura zvikwata zvikwata izvi kuti zvikwanise kudzokera zvakanaka.

Zvakadaro, pamutambo wakatambwa wemaZimbabwe Legends vs Zambian Legends wevanhurume wakapera uri mangange 2-2 kozoti wemadzimai Zimbabwe yakahwina 1-0.

FC Platinum yakatamba neMufuralira Wanderers yekuZambia mutambo uyu ukapera uri mangange 0-0.

Zvikwata:

Zimbabwe: Peter Nkomo, Simon Makwe, Nkosana Gumbo, Herbert Dick, Dazy Kapenya, Ronald ‘’Gidiza’’ Sibanda, Norman Mapeza, Stewart Murisa, Murape Murape, Masimba Dinyero naGeorge Nechironga.

Zambia: Hillary Makasa, Sandras Kumwenda, Laughter Chilembe, Elijah Litana, Joel Bwalya, Keneth Malitoli, Fedinard Mwachindalo, Chewe Mulenga, Happy Sichikolo, Japer Mweemba naVasper Janza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>