Mukuwasha akandirongera: Ambuya

25 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Manyanja
MUKUWASHA anonzi akarongera ambuya vake “gen’a” rekuvatyisidzira kuti vadzose $1 500 iyo akange apa mukadzi wake kuti achengete asi ivo ndokubva vaitora vakaidya yose.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge Coletta Mazavanza amhan’arira Lovemore Sengerai achida kudzivirirwa.

Mazavanza akati iye naamai vake vashaiswa rufaro naSengerai.

“Changamire, ndinokumbira kudzivirirwa kubva kumurume uyu. Anouya kumba kwedu achindituka, kundirova nekundisungisa nemapurisa pamwe nevabereki vangu achiti akatipa $1 500. Dai akandipa mari, ndingadai ndakaita zvine musoro. Ndaisambotambura ndichisweroti ndiri kuda mari yemendenenzi.

“Zvese zvaari kuita ndezvekuti aregedze kubhadhara mari yemendenenzi. Zvino hameno, anoda kuti mwana wake achengetwe nani isu tichitozvitamburira kumba kwedu.

“Akatombonditumira tsamba achiti aida kuti ndibvise mendenenzi saka ndiri kuda kutochengetedzwa nekuti anogara achitondishungurudza,” akadaro Mazavanza.

Sengerai akapokana nezvakataurwa achiti kuuya kwavo kudare kuedza kutiza nyaya yavo itori kumapurisa.

“Ndinokumbirisawo kuti musavape gwaro redziviriro ravari kukumbira nekuti mukadzi uyu anonyepa zvakanyanyisa. Kutaura chokwadi, iye naamai vake ndivo vakanditadzira. Handina kunge ndakarambana nemukadzi wangu asi kuti iye ndiye akatonditiza achienda kumba kwevabereki vake, haana kuzodzoka.

“Zvichiri kutondishamisa kusvika kuti akazouya achida mari yemendenenzi ini ndisina kumuramba. Ndakatengesa sitendi yangu ndikabva ndamupa $1 500 saka ndakavaendesa kumapurisa kuti vandipe mari yangu, kana vave kuda kuti ndivabhadhare mendenenzi.

“Ndozviziva kuti mukadzi wangu sezvaataura, haasiriye akashandisa mari yangu asi ambuya ndivo vakadya mari yangu. Takaenda kumapurisa vakabvuma kuti vakasara ne$1 200 mushure mekunge vabhadhara $300. Kumba kwavo handikuzivi saka hameno kuti ndiri kuvashungurudzira kupi,” akadaro.

Ambuya vake, Stembile Gambiza, vakaudza dare kuti mukuwasha wavo anofanira kunge ari iye akatumira vanhu kumba kwavo kuzovarwisa nekuda kwechikwereti chemari yake.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Mazavanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey