Uncategorized

Mukuwasha akarohwa natezvara

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Yvonne Manyanja
MUMWE murume anoti akazvambaradzwa kunge nyoka yapinda mumba natezvara vake mushure mekunge aenda kumba kwavo achida kunotora vana vake sezvo ari kunetsana nemudzimai wake.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Audrey Wozhele akamhan’arira Kudakwashe Mawisiri achiti anogara achimushungurudza kuburikidza nekumurova, kumutuka nekumushaisa mufaro kubasa.

“Changamire, chichemo changu kwamuri ndechekuti ndiwanewo gwaro redziviriro nekuda kwemurume uyu. Anouya kumba kwandave kugara nemurume wangu mutsva achinditukirira nekundirova. Bongozozo rose raanoita iri inyaya yevana.

“Ndinokumbirawo kuti kana achida kutora vana anofanira kutaurirana neni zvakanaka,” akadaro Wozhele.

Mawisiri haana kupokana nechikumbiro chaWozhele asi ndokuti anogara achinetsana nemudzimai uyu mushure mekunge atiza kumba apo akamubata aine chikomba.

“Mukadzi uyu akabuda kunogara nechikomba chake mushure mekunge ndazviziva kuti ndizvo zvaakanga achiita. Mumwe musi ndakasiya ndavhara gonhi repamba pangu asi akaita zvenharo kunge akanga apindwa nemweya wehumbavha akabva apinda nepahwindo.

“Kutaura kuno mukadzi uyu akatora gwaro rangu rekuzvarwa nechitupa. Ndakazoenda kubasa kwake ndichinomubvunza kuti akanga asingagoni kutaura kuti ane zvinhu zvaaida kutora here? Zvekumukanganisa pabasa handizivi kuti ndinenge ndichimukanganisa chirudzii?” akadaro.

Akaenderera mberi kuudza dare kuti panyaya yevana Wozhele ndiye akamuudza kuti baba vake havadi navo.

“Handifungi kuti pane chandakatadza. Zvaanoti ndinofanira kutaura naye zvakanaka pamusana pevana. Iye anonyatsoziva kuti baba vake ndivo vanogara vachinditukirira zvekuti ndinotoshaya pekuisa musoro nekunyara.

“Akandiudza nemuromo wake kuti kana ndichida vana ndinofanira kuita vekutoba baba vake vasingazivi. Asi pandakasvika pamba pavo baba vake vakabva vatotanga kundirova zvakaomarara asi hapana kana kuvadzorera kwandakaita.

“Nhasi ari kutondishamisa zvaari kutaura kuti ndinokonzeresa ruzha kumba kwavo. Zvisinei changamire, mupei henyu chikumbiro chake handifungi kuti ndingatadze kuwirirana nazvo,” akadaro Mawisiri.

Mutongi Barbra Mateko akapa Wozhele gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanirwa kutaurirana zvine runyararo pamusoro pezvavangaite nevana vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey