Kwayedza
Amager Mufema
MUKUWASHA anonzi ari kudya marasha kuburikidza nekurova tezvara vake, kuzora ndove pamadziro emba yaambuya pamwe nekudzura maruva nekuvatukirira zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemukadzi wake. Thabile Chibu Gari akaendesa mukuwasha wake Allan Kunonga kudare reHarare Civil Court achiti amuonesa pfumvu.Gari akaudza dare kuti: “Ndine chichemo, ndashungurudzwa neaimbove mukuwasha wangu. Anouya pamba pangu achizora ndove pamadziro nekudzura maruva angu. Ndikamubvunza anobva atanga kunditukirira nekuda kundirova.”
Gari akaenderera mberi achiti Kunonga munhu anofarira zvemhirizhonga izvo zvakazoita kuti mudzimai wake amutize.
Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Gari gwaro redziviriro.